Anotukirira vabereki vemukadzi

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MUKADZI wekuti anogarotukirwa vabereki vake nemurume wake apo anomubvunza mari yekuchengeta vana vavo akazoguma akwira kumatare edzimhosva.
Fadzai Matare akaendesa Steven Jasi kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamwe nekusariritira vana vavo.

“Mufunge zvenyu vedare, murume uyu andishaisa rugare. Anonditukira vabereki vangu kana ndikamubvunza mari yekuchengeta vana. Murume mukuru kutojusa dhora munhare rekutaura marara ekuti ndikaataura muno mudare munhu wese anoshama,” akadaro Matare.

“Izvozvi ane mumwe mukadzi kwaari kugara zvave kuita kuti asacheuke vana vake vaviri vaakaita neni. Mukadzi waasina mwana naye iyeye ndiye ari kumufurira kubata vana vangu huyanga.

“Munhu anotambira $500 achiita zvemagetsi otadza kuriritira vana vaviri chete ivo vachingoda $350 pamwedzi? Vabereki vangu havachina mufaro nekugarotukirirwa zvinyadzi.”

Jasi akapokana naMatare achiti haatambire mari yaitaurwa iyi uye aipomerwa manyepo.

“Changamire, ini ndinotodawo kutambira mazimari andiri kunzi ndinohora nokuti ndinotoshandawo semubatsiri weanogadzira magetsi acho zvekutoti ndinohora $180 pamwedzi kana zvakadzora.

“Mari yandinotokwanisa kupa vana kuti vabatsirike i$100. Ndine mumwe mukadzi anodawo kuchengetwa saka nemari yandinotambira yandareva iyoyo ndiyo yandinowana.

“Zvekutaura kuti ndinotuka vabereki vake izvo zvatovewo zvimwe uye hazvimboshanduri mari yandinowana.

“Mai ivava vanotengesa pamusika saka mari yavo vakaiwedzera pane yandinokwanisa kuwana iyoyo vana vanobatsirika.

“Zvekuti ndinofurirwa nemukadzi wandinaye dzatongovawo shanje dzake dzekuti ndakamusiya ndichitora mumwe mukadzi,” akadaro Jasi.

Mutongi Barbara Masinhire akati Jasi abhadhare $120 pamwedzi yekuchengeta vana vake vaviri.

 

Share This:

Sponsored Links