Anozora-zora mukadzi mishonga yechivanhu

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Anozora-zora mukadzi mishonga yechivanhu

Kwayedza

nyundoYvonne Chipato
MUMWE mukadzi anoti murume wake anochengera zvikuru zvekuti anogara achimuzora mishonga yechivanhu muviri wake wose senzira yekuti asapfimbwe nevamwe varume.Netsai Zenge akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira murume wake, Tawanda January, achiti anogara achimushungurudza.

“Ndashaiswawo rugare nemurume wangu. Anondirova zuva nezuva vana vakatarisa zvekuti vana vava kutotya baba vavo. Anondityisidzira kuti ndikangoita zvechipfambi chete anondigadzira zvekuti ndinozotevera kasingapere.

“Ndava kugara upenyu huzere nekutya nekuda kwekubata mishonga kwaanoita.” akadaro Zenge.

“Tikangonetsana chete anotora mishonga yake ondizora muviri wangu wose achiti handifi ndakadiwazve nemumwe murume kunze kwake. Mwedzi wakapera akapisa hembe dzangu dzose achiti dziri kukonzera kuti ndidiwe nevamwe varume asi iye asina kana umboo hunobatika hwekuti ndiri kuita zvechipfambi. Handichina kana kusununguka nekuda kwemabasa ake.”

January akaramba zvakataurwa naZenge achiti, rudo rwekuda mukadzi wake ndirwo rwakanyanya kumubata.

“Changamire ini mukadzi wangu ndinomuda zvakanyanya asi iye haazvione. Dzimwe nguva ndinotadza kuzvidzora kana tanetsana ndosvika pakumurova asi mumoyo mangu munenge makazara rudo. Ndinotya kutorerwa mukadzi wangu nevamwe varume zvekuti ndinomunyepera nekumutyisidzira kuti atye pamwe nekuramba varume vanenge vamupfimba.

“Mukadzi wangu akatanga kutamba nemunhu wandisingavimbe naye nekudaro ndaitya kuti angafurirwe akaita zvechipfambi. Mashizha andinomuzora hapana zvaanomuita, haana kana mushonga asi inzira chete yekuchengetedza mhuri yangu kuti isabiwe nemakava azere munyika,” akadaro January.

Mutongi Babra Masinire akapa Zenge gwaro redziviriro akati January aisafanira kumurova kana kumutyisidzira uye vanofanira kugara murunyararo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey