Apfidza nekurumwa nemukadzi

06 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
PANA samusha vaoneswa ndondo nekugara vachirumwa pamwe nekurohwa nemukadzi wavo apo vanenge vakabatirwa banga izvo zvavamanikidza kupata musha.

Forget Rufaro akaudza dare redzimhosva reHarare Civil Court kuti ashaiswa rugare naBatsirai Taruvinga.

“Changamire wangu, ndauyawo pamberi pedare rino ndichikumbirawo gwaro rekuchengetedzwa nekuti handichina mufaro mukurarama kwangu. Mukadzi wandigere naye anondiruma, kundirova nekundisikiza nebanga.

“Pose patinotadza kuwirirana, anondirova nekundiruma,” akadaro Rufaro.

Akati akatopata musha wake uye ave kugara kuhanzvadzi yake nekuda kwepfumvu yaari kuoneswa naTaruvinga.

“Ndakatobva pamusha pangu musi wa5 Kurume mushure mekunge ndasikizwa nebanga nemukadzi wamunoona uyu. Iye zvino ndave kutogara nasisi vangu saka ndinokumbirawo kudzivirirwa ndidzokera pamusha wangu,” akadaro Rufaro.

Taruvinga akapokana nezvainge zvataurwa naRufaro zvekuti anomurova nekumuruma.

“Handirumi murume kana kumurova asi kuti iye ndiye anotondirova,” akadaro Taruvinga.

Akati akangotora banga sechombo chekuzvidzivirira apo airohwa naRufaro.

“Mambo wangu, pari kunzi nemurume uyu ndaida kumubaya nebanga kunyepa. Aindirova tiri mumba saka ndakabuda panze ndikanotora banga pasink ndikabva ndamuti ukauya pandiri ndinokubaya.

“Ndizvo ndakaita chete nekuti ndaizvidzivirirawo,” akadaro Taruvinga.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Rufaro gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vaifanirwa kugara murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey