Aphiri akabura zvitsva

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Aphiri akabura zvitsva

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUTAMBI wemadhirama ane mukurumbira Jefrey “Aphiri” Chogugudza anoti adzoka zvine mutsindo nemutambo mutsva unonzi Chikwereti uyo uri pamusoro pababa vane hudyire vanoda kuti mwanasikana wavo arambe murume wake anove rombe kuitira kuti aroorwe neshoroma.

Aphiri – uyo akambotsikisa mumwe mutambo unonzi Magariro akabatana naFred “Kapfupi” Manjalima – anoti ane chivimbo chekuti mutambo wake mutsva uyu uchafarirwa neveruzhinji.

“Tauya nedhirama idzva rinonzi Chikwereti iro ratiri kutarisira kuti richafadza veruzhinji. Takaribika nemazvo ini nechikwata changu cheTwo Vision African Theatre zvekuti rinotodarika mamwe atakamboita anosanganisira Kuponda Nhamo naRine Manyanga,” anodaro Aphiri.

Aphiri anoti vakambenge vamira kubura mimwe mitambo mitsva nekuda kwekushaya zvekushandisa zvakaita semavideo camera pamwe nemari.

“Kunyarara kwatainge tamboita kwaiva kushaya zvekushandisa zvakadai semari uye makamera nekuda kwezvikonzero zvekuti mimwe mitambo yatakaita kare yakatengeswa zvisiri pamutemo nepairesi pamusika wemukoto zvakaita kuti tishaye mari yekushandisa. Saka parizvino tinokurudzira vanhu kuti vatenge mutambo mutsva uyu muzvitoro zvinotengesa zviri pamutemo kana kunesu isu varidzi vacho. Ndinovimba kuti vanhu vachanakidzwa nemutambo uyu uye kuutambira kutodarika mimwe yatakamboita,” anodaro Aphiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey