Appiah adzoka panyanga

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

GHANA yakadzora Kwesi Appiah kuzorairidza chikwata chenyika iyi ndokumupa kondirakiti yemakore maviri, sangano rinotungamira nhabvu kunyika iyi rakazivisa.

Ave kutsiva Avram Grant, uyo kondirakiti yake isina kuwedzerwa mushure mekunge Ghana yapedza iri pechina kumutambo weAfrican Cup of Nations wakatambirwa kuGabon muna Kurume.

Appiah ndiye aitungamira Ghana apo yakakwikwidza kumutambo weWorld Cup kuBrazil mugore ra2014 ndokuzodzingwa basa mutambo uyu uchangopera.

Shasha iyi – iyo ine makore 56 okuberekwa yakambotambira nyika yavo – apo Appiah akasimukira munyaya dzekurairidza ari kusangano reGhana Football Association.

Akatanga ari mutevedzeri wevamwe varairidzi ndokuzombofanobata chigaro ichi kaviri, akazonyatsogadzwa pachigaro chinopisa ichi mugore ra2012 kusvika 2014 kuWorld Cup.

Ghana yakapedza iri pasi muboka rayo uye kubva pese apa Appiah ange achirairidza Al Khartoum yekuSudan.

Mutambo wekutanga weGhana wekuenda ku2018 Africa Cup of Nations uchatanga muna Chikunguru apo ichasangana neEthopia.

Muboka rayo mune zvimwe zvikwata zvinoti Sierra Leone neKenya uye chikwata chichapedza chiri pamusoro ndicho ndichahwina tikiti rekunokwikwidza kuCameroon.

Appiah achaedza kubatsira Ghana kuti iende kuWorld Cup kuRussia muna 2018 asi chikwata chake chakatanga zvasina mutsindo mumutambo uyu.

Ghana ingori nechibodzwa chimwe chete kubva mumitambo miviri yayatamba yeWorld Cup qualifiers uye iri kumashure kweEgypt iyo iri kutungamira nezvibodzwa zvishanu. – Daily Mail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>