Attachment paForm 4: ‘hazviite, hazviite!’

22 May, 2015 - 00:05 0 Views
Attachment paForm 4: ‘hazviite, hazviite!’

Kwayedza

VABEREKI nevana vechikoro vari kupa pfungwa dzakasiyana pamusoro pechirongwa chekuti vana veO-Level vaende kunofundira mabasa (attachment) vachiti izvi zvinopa mikana yekuti vana ava vambunyikidzwe mumabasa nemunzvimbo dzekushandira.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, nguva yadarika anoti pane hurongwa hwekuti vana veForm 4 vapote vachienda mumaindasitiri kunofundira mabasa apo vanenge vakamirira zvichabuda mubvunzo dzeO-Level senzira yekuvandudza dzidzo yavo vasati vapfuurira mberi kuenda kuA-Level.

VaGivemore Nyamuzihwa (46) vekuChitungwiza vanoti hazviite kuti vana veForm 4 vaende kunodzidziswa mabasa nekuti vanenge vasati vabva zera.

“Pamutemo mubumbiro idzva zvinonzi mwana wose asati asvitsa makore 18 ekuberekwa anenge asati abva zera kureva kuti haakwanise kusarudza zvakamunakira kana zvakamuipira. Kuendesa vana ivavo mumaindasitiri kunofundira basa kupedza nguva uye imhosva,” vanodaro.

VaNyamuzihwa vanoti vanasikana vane mikana mikuru yekunombunyikidzwa nenzira dzinosanganisira kumanikidzwa kupinda munyaya dzerudo kana kubhinywa.

Mumwezve mugari wekuChitungwiza, VaBhekilizwe Siwela (56), vanoti:

“Idanho rakanaka kana rikaitwa zvakarongeka nekuti kune vamwe vana vanotorasika chaizvo kana vachinge vaenda muindasitiri zvekuti vanotodzoka vachifoira. Zvekare, hazvifaniri kumanikidzirwa, inofanira kuva sarudzo yemwana nekuti vamwe vana vanogona kuda kuenderera mberi nedzidzo pane kuenda kuindasitiri.”

Vakanoti kana vana ava vachinge vaendeswa kumaindasitiri panofanira kuitwa ongororo yekunoona kuti zvinopa shanduko here muupenyu uye mudzidzo yavo.

Mai Virginia Malunga (34) vekuHatfield, muHarare vanoti vana vanofanira bedzi kuenda kunofundira mabasa kana vachinge vapedza A-Level kana kuti vave kuita makosi kumakoreji nemayunivhesiti.

“Ko, vanogoda kuti vana vajambe zvimwe zvikamu zvedzidzo sei, vari kumhanyirei iyo nyika yacho isina mabasa? Vana vazhinji vakapedza madhigirii inga vari kungotengesa nharembozha neair time mumigwagwa. Ngavatange vafundisa mabasa ivavo kwete kumhanyira kumberi nekuti mandikurumidze akazvara mandinonokere,” vanodaro.

VaProsper Murengwa (38) veKuwadzana Extension vanotiwo mwana weForm 4 munhu asati awana dzidzo yakakwana saka haakodzeri kuenda kuindasitiri kunofundiswa basa.

“Kune vana vakawanda vari kufoira Form 4 yacho. Saka kuti vanofundiswa basa unenge watova mutoro nekuti vamwe vavo havakwanisi kudzingirira zvinhu zviviri panguva imwe, zvinoda vanhu vayaruka izvi,” vanodaro.

Zvisinei, vamwe vadzidzi vari kuti vanoda kupindawo mumaindasitiri kuti vamboraira mari uye ruzivo.

“Kana tikaenda kunodzidzira mabasa tinoona zvakanaka nekuti zvinoita kuti chero tave kuenda kumakoreji kana kumayunivhesiti, tinenge tave kuziva mabasa akatinakira.

“Vanhu vazhinji vanopedzisira vave kungoita mabasa avasina chido nawo nekuti vanoafundira nguva pasisina, vanenge vasina mukana wekuta sarudzo dzakanaka.

“Ndokusaka muchiona vamwe varapi vachishungurudza varwere, imhaka yekungowira,” anodaro Tawana Mwerechena (15) wekuConway College muHarare.

Tinotenda Mverechena (16) vekuGenesis College, muHarare, anoti nyika ino inofanira kudzidza kubva kune dzimwe nyika dzakabudirira kuti inge ichisimukira munyaya dzedzidzo.

“Kunyika dzakaita seChina, Japan neUnited States, vana vanodzidziswa mabasa vachiri vadiki.

“Izvi zvinoita kuti vakure vaine hunyanzvi uye vamwe vanodzidziswa vachiri vachiri kukireshi chaiko voonekwa kuti vanofarira zvipi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>