B & P yakaita mufamba nyore

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
B & P yakaita mufamba nyore Vana vepaB & P Study Centre vachikwira ndege kuenda kuVictoria Falls nguva yadarika .

Kwayedza

Vana vepaB & P Study Centre vachikwira ndege kuenda kuVictoria Falls nguva yadarika .

Vana vepaB & P Study Centre vachikwira ndege kuenda kuVictoria Falls nguva yadarika .

Vana vakashanya kuVic Falls nendege

VaJimmy Muwodzeri, avo vanove murongi wechirongwa ichi, vanoti izvi zvakakosha zvikuru munyaya dzekudzidza.VANA vepachikoro cheB & P Study Centre, iri kuChitungwiza, svondo rapera vakawana mukana wekukwira ndege kuenda nekudzoka kuVictoria Falls uko vakaita mazuva matatu vachishanya pamwe nekudzidza.

“Kuvamwe vadzidzi, aka ndekekutanga kukwira ndege saka mukana uyu unoita kuti vaone nekudzidza zvinhu zvitsva izvo vanosiona mumabhuku. Zvinoita zvakare kuti vana vayemure nzvimbo dzinoyedza dziri munyika yavo.

“Seapa, vakanoona mapopoma eVictoria Falls, David Livingstone Bridge vachionazve mhuka dzakaita senzou nengwena pamwe nekudzipa chikafu pasina kutya,” vanodaro VaMuwodzeri.

Vanoti vana vakaenda nendege nekuda kwekuti vakashanya vari chikwata zvikaita kuti vaderedzerwe mutengo wekufamba kubva paUS$224 pamunhu mumwe chete kuenda paUS$76.

VaElias Mhandu, vanove mukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa zvepachikoro ichi, vanoti nzendo dzakadai dzinoita kuti vana vave nesarudzo yemabasa avanozoda kuita apo vanopedza chikoro.

“Kukwira ndege kwaisitorwa sekwevanhu vane mari asi tinoda kuti vana vedu vaone kuti handizvo uye vanodzidzawo nezveruzivo rutsva rweInformation Communication Techinology (ICT). Vamwe vanozodawo kuita vatyairi vendege kana kushanda mumahotera nenzvimbo dzinokwezva vashanyi,” vanodaro.

Vamwe vevana vakashanya murwendo urwu vaive mudenga rechinonwe sezvo aka kari kekutanga kavo kukwira ndege.

“Tinofara zvikuru nekuti pandakakwira ndege ndaifunga kuti ndicharutsa painosimuka nekuti kaivewo kekutanga kangu kuikwira. Asi ndakanakirwa zvikuru tikanoona Victoria Falls, tsoko, ngwena nenzou nekusanganawo nevamwe vashanyi tichidzidza zvakawanda zvenyika yedu,” anodaro Nyasha Chisandure (12) uyo ari kuita Grade 6. Tafadzwa Mhandu (8), uyo ari Grade 4, anoti akafara kukwira ndege “apo ndakaona tichidarika nemukati memakore”.

Tariro Ndaba (10) anoti hakasi kekutanga kake kukwira ndege sezvo achimboenda kuSouth Africa nevabereki vake asi akafara zvikuru kunoona nzvimbo inonaya mvura yeRain Forest (kuVictoria Falls) nekufundiswa nhoroondo yaDavid Livingstone.

Mumwe wevabereki vakanotambira vana kunhandare yendege yeHarare International Airport svondo rapera, VaBright Kugotsi, vanoti vanofara zvikuru nezvirongwa zvekushaya zviri kuitwa muzvikoro sezvo zvichibatsira mudzidzo yevana.

Munguva pfupi yadarika, vana vanodzidza Early Childhood Development (ECD) vepachikoro ichi vakashanyira nzvimbo yemapako eChinhoyi Caves nekuMazvikadeyi Dam.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>