‘baba hamuite, hamuite!’…

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MWANA wekumira kubhadharirwa mari yemendenenzi nababa vake achinzi ayaruka sezvo ave nemakore 18 okuberekwa asi achiri kuenda kuchikoro akazokwidza nyaya iyi kumatare achida kuramba achiriritirwa. Tinotenda Madhumira akamhan’arira baba vake, Terrence Madhumira, kuHarare Civil Court achida kuti varambe vachibhadhara mari yemendenenzi uye kuti itowedzerwa. “Baba vanotambira mari yakawanda kwazvo kuJoni (South Africa) kwavanotyaira marori zvekutoti ndinotoshaya kuti sei vasingade kutiriritira. Hapana zvizhinji zvandinomboda, mari yechikoro, yebhazi nerendi yekumba kwatinogara naamai chete. Imwe tinozvitsvagira hedu nekuti vari kutoratidza kuti nesu havachina kana hanya saka $300 inokwana zvose zvandareva.

“Munhu anotambira R1 900 oshaira vana vake mari shoma yakadaro, kana nemi vedare vanganzi ndibabawo kwavo here?” akabvunza Tinotenda.

“Vakatumira amai meseji panhare vachiti ini ndadarika makore 18 saka hazvichaiti kuti varambe vachindibhadharira mari yechikoro nekundiriritira kunyange ndiri mwana vavo uye ndichiri kuenda kuchikoro. Izvezvi kuchikoro zvikwereti zvega-zvega apa mazamanishoni akatotanga. Vekuchikoro vanoti havandipi maresults angu kusvika zvikwereti zvabhadharwa.

“Chinondibaya ndechekuti baba vakatora birth certificate nepasipoti yangu vakazviviga kumba kwavari kugara neimwe mhuri asi chinangwa chacho ini handichizivi. Ndaikwanisa kuti ndichipedzawo kunyora ndoenda kuJoni kunotsvaga basa kuti ndichengete amai nemunin’ina wangu sezvo baba vari kuti havachadi kundibhadharira mendenenzi nekuti ndakura,” akadaro Tinotenda.

Terrence akapikisana nemwana wake achiti kambani yaaishandira yakavharwa uye Tinotenda asvitsa makore 18 saka haachafaniri kumubhadharira mendenenzi.

Akati: “Changamire, mwanakomana wangu andiunza pamberi penyu nhasi uyu akasvitsa makore 18 saka mutemo unoti handichafaniri kumupa mari yemendenenzi. Amai vake ndakatovatumira meseji ndichivatsanangurira. Kuramba ndichibhadhara kuita kuti anyore mazamanishoni ake zvakanaka asi achingopedza zvavharana nekuti zvinotobatsira kuti mari yacho inenge yave kushanda zvimwe zviri nani.

“Hakasi kekutanga kumiswa pamberi pedare nenyaya yemendenenzi, munin’ina wake iyeyu, mushure mekufurirwa sezvaaitwa iye naamai vake, akandiunza kudare iro gore rino zvekutoti ndiri kuvabhadharira vose vari vaviri mari inokwana kuita iyo $120 pamwedzi. Ngavasafunga kuti mari inonhongwa voramba vachingouya kuti baba dai mawedzera, ngavamboishandirawo vanzwe kurwadza kwacho.”

“Pamusoro pezvo, ndine mumwe mukadzi nevana vatatu vakatarisira rubatsiro kubva kwandiri saka dai dare randinzwisisawo.”
Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yavaviri ava yaizodzoka zvekare kudare.

Share This:

Sponsored Links