Baba havazive vana vavo

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Baba havazive vana vavo

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUSHARUKWA wekuzama noto kuti mari yemendenenzi yaari kubvisira vana vake vaviri ibviswe achiti vayaruka akazoshaya pekupinda mudare mushure mekuburitswa kweumboo hunoratidza kuti vana ava vachiri vaduku.

George Goredema akaendesa Rutendo Goredema kuHarare Civil Court achiti ari kubhadhara mari yemendenenzi yevana vaviri vayaruka uye vave kuzvishandira.

“Ndiri kuda kuti dare rindidzikisire mari yandiri kubhadhara nekuti vamwe vana vaviri vakura, vakatoroorwa. Vana ava vakasvitsa makore anotarisirwa nenyika kuti munhu akura ndokusaka ndiri kuda kuti idzikiswe ndochengete mumwe chete achiri mudiki,” anodaro George.

Anoenderera mberi achiti vana vacho vave kushanda saka hazvikwanisike kuti arambe achivachengeta.

“Vana ava vave kuzvishandira saka mari vanayo. Ini kuti ndichengete vana vave kuzviwanira mari yavo ihwo upenyu hwakandiomera handizvigone,” anodaro.

George anoti mari yevana vaviri ava iri kutodyiwa naamai vavo.

“Mari yevana yandiri kubhadhara iri kutodyiwa naamai vacho. Zvino ndinoda kuti zvichipera.”

Achibvunzwa nedare kuti anopokana here nechikumbiro chaGeorge, Rutendo anoti vana ava vachiri vadiki, havasati vave nemakore 18 asi kuti vane 16 uye zvekuti vava kushanda manyepo.

“Vana vari kutaurwa havasati vasvitsa makore iwayo asi kuti vane makore gumi nematanhatu. Ndatouya nemabirth certificate avo uye zvekuti vari kushanda manyepo nekuti vachiri kuenda kuchikoro, kana kuroorwa havasati,” anodaro Rutendo.

Achinzwa makore ekuberekwa evana ava, George anoti haisi mhosva yake yekufungidzira kuti vakura nekuti Rutendo haadi kuti aone magwaro avo ekuzvarwa kunyangwe kuvaona kuti vakura sei.

“Ini kufungira kuti vana vabve zera haisi mhosva yangu nekuti mukadzi uyu haana kumbobvira ada kundiratidza mabirth certificate kana kuti ndione kuti vana vakura sei. Ndinongofunga kuti vakura,” anodaro George.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaGeorge.

Share This:

Sponsored Links