Baba vakakechwa ndakatarisa

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Baba vakakechwa ndakatarisa

Kwayedza

VASIKANA vemazuva ano havachatya. Vamwe vavo ndivo vanonyatsoti, “Zera harina basa nekuti makore inhamba isina zvainoreva.” Vazhinji vevasikana, asi apa kana nemadzimai makuru ave kuwanikwawo aripo, havachagona kupfeka kwakatsiga. Mapfekero avo ndeekutsvaga kutariswa nekuti vataudzwe.

Hembe dzaveko mazuva ano dzave kusiya dzimwe nhengo dzemuviri dziri panze zvekuti unoshaya kuti kana kuri kutengesa muviri, vanotenga vacho vanonakirwa nazvo here izvo zvinongogara zvichinanairwa nenhunzi! Kare, kwaive nehembe dzaitozivikanwa kuti vanondzipfeka vane zvavari kutsvaga. Hembe idzi dzainzi musandizeza.

Kune vanhu vanoteya, handizive kana paine kuteya kwekutamba. Ini chandinoziva ndechekuti kana mbada ikabata mhembwe, haiti kumhembwe, “Huya timbotamba chisveru kana chihwandehwande.” Musango mune hunhu hwemusango. Hunhu hwemusango hunoti kana iwe ukasadya, ndiwe uchadyiwa. Kana ukasatiza, uchabatwa. Kana ukasafamba wakachenjera, uchahwandirwa ukangoerekana wafutwa.

Kune vanhukadzi vave kuvhima varume. Vanhukadzi ava vanosanganisira vasati varoorwawo. Ndakaudzwa nemumwe musikana kuti rudo sezvatairwuziva kare rwakachinja.

Akanditi, “Rudo rwachipa baba. Kunyeperwa kwamunoitwa kuye kuti vana vachiri vakazvibata. Vanhu vave kudanana, voita zvavanoita musi wavasangana iwoyo.”

Ndakazorohwa nehana kuita seichaboora dundundu rangu nekutamba kwandakanzwa mumwe musikana achiita nemumwe mukomana. Musikana wandiri kutaura nezvake uyu akanga achidya machips nenyama yehuku akagara pedyo nemumwe mukomana, asi asiri mukomana wake. Musikana uye akabva ati, “Shamwari ndifuridzewo mukanwa” unofungei?

Ndakati, mashoko aya anorevei kumukomana uyu? Kutamba uku kutamba rudzii?

Mumwe musi manheru ndakanzwa vasikana vaviri vanotengesa muchitoro chepaService Station vachikanda shoko kumumwe murume mukuru kwazvo kwavari. Murume uyu akatenga drink rake reFanta, ndokubva ati, “Handina empty, ndiri kuda kunwira muno saka ndivhurireiwo drink rangu.”

Musikana wekutanga akabva abwibwinyika achiti, “Saka muri kuda kuti tikuvhurirei zvechokwadi here?” Murume uye ainonoka kubata chibhende chaitaurwa nemusikana uyu, asi ini chakandirovesa nehana nekuti ndakanga ndaona nekunzwa kwaienda nyaya yake. Uye, chiso chemusikana uyu chakanga chichibatsira kutaura nyaya yake.

Murume uye akati, “Ehe ndivhurirei zvenyu.”

Musikana uye akabva aseka, ndokuti, “Hatina chekuvhurisa nacho isu.” Akabva aseka zvakare sebere ranhonga bhonzo mumhindo yerima. Akatarisa baba vaye, achibva ati, “Saka toita sei?”

Baba vaye vachibva vati, “Hapana here zvamungaite?” Musikana uye akabva ashevedza mumwe wake. Aive musikana mukobvu ane chipfuva chinenge piro yekutsamira, uye aine make-up inenge rwaivhi rwuri kuona TV.

Akabva auya achiti kune mumwe wake, “Uri kuti chiiko iwe?” Mumwe wake achibva ati, “Baba ava vari kuda kuvhurirwa drink ravo, asi hatisi kuona opener. Une chekuvhurisawo here?” Mumwe musikana uye akabva ati, “Handina chekuvhurisa, asi kana vachida ndinogona kuvavhurira nemazino.”

Mumwe musikana uye wekutanga akabva aseka akatarisa baba vaye akati, “Mazvinzwa zviri pano?” Baba vaye vakangoseka-seka.

Musikana wekutanga uye achibva ati, “Iwe, usavhure nemuromo wako, havasi kuda zvekukiswa ava! Nhai, muri kuda kukiswa here?” Baba vaye vakabva vati, “I wouldn’t mind! Ndikise zvako!”

Ndakakurumidza kubuda muchitoro ichi ndave kutya mambure emafishers of men aya. Zvirevo 5 inoti “Miromo yemukadzi wemumwe inodonha huchi; Muromo wake unotsvedza kupfuura mafuta.”

Share This:

Sponsored Links