Baba vakarovera mwana tv

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BOTSO rekuona terevhizheni pakati pababa nemwanasikana wavo ane makore 11 ekuberekwa rakazoguma ravasvitsa kumatare edzimhosva mushure mekunge mwana uyu azvamburwa nebhandi redehwe remhuka rinozivikanwa nekuti mvuu.Fidelis Chinwada (52) wepanhamba 21603 Unit C, Seke, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts akatarisana nemhosva yekushungurudza mwana nenzira yekumurova pasi pechikamu chemutemo weIll Treament of a Child Section 7 (i) of the Children’s Act (Chapter 5:06).

Mutongi Blessing Murwisi akapa Chinwada chirango chekugara mujeri kwemwedzi miviri iyo yakazosendekwa padivi paine chitsidzo chekuti anofanira kubvisa faindi yeUS$150.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa7 Mbudzi gore rino munguva dzemanheru, pakamuka kusanzwanana pakati paChinwada nemwanasikana wake panyaya yekuona terevhizheni.

Chinwada aida kuona nhau apo mwanasikana wake aida kuonawo mafirimu. Mushure mekunetsana uku, Chinwada akaenda hake kunorara asi akazomuka pakati pehusiku achibva atanga kurova mwanasikana wake nemvuu izvo zvakaita kuti amai vake, Tandi Nyathi (52), vazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Chinwada akabvuma mhosva yake mudare achiti akarova mwana wake senzira yekumuranga.

“Ndinobvuma mhosva iyi, asi ndaifunga kuti kwaive kuranga mwana,” akadaro Chinwada.

Mwana uyu, uyo ari muGrade 6 akaudza dare kuti akange achida kuona mafirimu saka baba vake vakasvika vakamutorera DVD raive nemafirimu ndokubva varipwanya mushure ndokuzomuka vave kumurova arere. Nyathi akati Chinwada paairova mwana wavo, aimutuka nemashoko enzvinyadzi.

Akati zvakare murume wake akavimbisa kumuuraya zvisinei nekuti vagara vose kwemakore makumi maviri. Matsamba ekwachiremba akavheneka mwana uyu akaburitswa mudare seumboo.

Share This:

Sponsored Links