Baba vanobhinya mwana chirema

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Baba  vanobhinya mwana  chirema

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VATORI venhau veKwayedza vakasara vasina neremuromo svondo rapera apo murume wemuHarare, akabuda pachena — asina kana ganda kumeso — kuti ari kubata chibharo mwanasikana wake akaremara mitezo uyo ane makore 14 ekuberekwa achiti anokonzerwa kuita izvi nemweya wetsvina.

Murume uyu tichangomuti Dhimoni Rambo (33) kuitira kuchengetedza mwana ari kubhinywa uyu — uyo akaremara gumbo neruwoko — kuti asazivikanwe neveruzhinji sezvo pasi pemutemo achifanira kuchengetedzwa.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira murume uyu kumba kwake, uko anogara nemwana wake, zvichitevera kurambana kwaakaita naamai vake.

Rambo pakutanga akamboda kunyepera Kwayedza achiti haaziriye muridzi wepamba paaive asi ndokuzotaura chokwadi apererwa nemazano.

“Nyaya yamunobvunza iyi ichokwadi, ndinoshinha nemwana wangu sezvo tichigara toga. Handizive, pamwe mweya wetsvina, ndinozongoerekana ndazviita.

“Ndinomuvhundutsira kuti asawane waanotaurira,” anodaro.

Rambo anoenderera mberi: “Ndakarambana naamai vemwana uyu mugore ra2006 apo vakanga vave kuita zvechipfambi. Mwana uyu akambotorwa naambuya vake — amai vaamai vake — asi akazodzoka kwandiri akura.”

Obvunzwa kuti anoziva here zvinoreva kukura, Rambo anotsenga-tsenga mukanwa. Mwana ari kunzi “akadzoka akura” anongova nemakore 14 ekuzvarwa.

Kwayedza yakaronga kufumura nyaya iyi mushure mekunzwa kuti vanoziva nezvayo, kusanganisira vavakidzani, vanotya Rambo.

Rambo anoti anodya mishonga yekusimbisa musana, izvo zvaanopomera kuti ndicho chimwe chikonzero chinoita kuti abate mwanasikana wake chibharo.

“Mishonga yekusimbisa musana ndinodya uye mbanje ndinoputa ndichinwa doro rinodhaka zvikuru iri.”

Obvunzwa kuti sei asingatsvage vakadzi sezvinoita vamwe varume — pane kubhinya mwana wake — Rambo akapererwa nemashoko.

Rambo — uyo akadzidza kusvika Grade 7 — anoti anoda kubatsirwa nekubviswa mweya waanoti ndiwo unomukonzera kuita zvakaipa izvi.

“Chokwadi, uyu mweya unosundudzirwa kwandiri nehama dzangu nekuti hadzidi kundiona. Mumba medu takawanda zvikuru asi tose hapana anoita zvinooneka nekuda kwemweya uyu. Pamwe ingozi yemumusha medu.”

Rambo anoti amai vemwana wake haazive kwavari zvichitevera kurambana kwavakaita.

“Zvino vakomana ndikasungwa sitendi yangu inosara ichitorwa nevamwe, uye mwana wangu anozoita sei?”

Apa aireva iye mwana waanobhinya uyu.

Murume uyu anoti ava nemumwe mukadzi waari kugara naye kubva mwedzi miviri yakadarika.

“Ndava nemukadzi, atoenda kubasa kunotengesa. Ndinokumbirawo ruregerero kwamuri mukoma nemi sister (achireva munyori uno nemutori wemufananidzo, Memory Mangombe) pane zvandinoita.

“Ndibatsireiwo, kana iri mweya yakaipa ibviswe ndikwanise kuita munhu kwaye,” anodaro Rhambo.

Mwana uyu anotsinhira zvekumbunyikidzwa kwaanoitwa nababa vake.

“Vanondivhundutsira vachiti vanondiuraya nekunditema nedemo,” anodaro mwana uyu ndokudonongodza zvaanoitwa izvo zvisingabude mubepanhau revanhu, Kwayedza.

Anoti haayeuke kuti baba vake vakamubhinya kakawanda zvakadini.

Anoramba zvakare mashoko ababa vake ekuti vave nemumwe mukadzi achiti vanogara vari vaviri pamba apa.

“Handichada kuramba ndichigara nababa, kudai amai vangu ndikavawana ndinoda kuenda kwavari. Ndinodawo kuenda kuchikoro sezvo ndakangogumira Grade 1,” anodaro mwana uyu, chiso chake chakaputirwa nekusuwa.

Mumwe muvakidzani waRambo, uyo anova behavioural change facilitator (BFC), anoti nyaya iyi akainzwa kare akatomboisvitsa kumamwe emasangano anoona nezvekodzero dzevana.

“Nyaya iyi yakasvika kwandiri ndikaiendesa kune vanoona nezvevana vemuno avo vasina zvavakaita,” anodaro.

Vamwe vagari vemunzvimbo iyi vanotsinhirawo kuti mwana uyu haana kugara zvakanaka nababa vake asi vanotya kuzvifumura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey