Uncategorized

BABA VANOTOTESA MAGUMBEZE . . . Odzingwa nemukadzi pamubhedha

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
BABA VANOTOTESA MAGUMBEZE . . . Odzingwa nemukadzi pamubhedha

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso
MURUME wekuti ari kuoneswa ndondo nemudzimai wake uyo waanoti anomudzinga pamubhedha achiti arare pasi achinzi anozowetera mumagumbeze uye kugara achida kubaiwa nepfumo akazopotera kudare redzimhosva.

Biggie Mudimu akaendesa mudzimai wake, Susan Manhichi, kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumutyisidzira nerufu.

Mudimu anoti Manhichi haamuremekedzi sezvo achigara achimutuka pamberi pevana vavo.

“Mudzimai wangu haandiremekedzi, anotoda kundiuraya. Anogarondituka nezvinyadzi pamberi pevana uye akandiudza kuti anoda kundiisira poizeni muchikafu.

“Anowacha mbatya dzake nedzevana, dzangu osiya achiti ndinozvionera nekuti ndave munhu mukuru. Kutaura kuno ndinorara pasi achindidzinga pamubhedha achiti ndinoitira weti pamachira. Ndikada kuenda pamubhedha ipapo zvenharo, ndinorohwa zvekuti kana vana vanondinzwira tsitsi,” anodaro Mudimu.

Anoti rimwe zuva akapotsa abaiwa nepfumo naManhichi.

“Pane musi waakapotsa andiuraya pakati pehusiku. Ndakapepuka kuma 1am ndikamuona akabata pfumo achida kundibaya naro. Mwari ndiye akandibatsira kuti ndimurwise nekuti aive nesimba rakawandisa. Nanhasi handigone kutsanangura kuti ndakakwanisa kubvuta pfumo iroro sei.” akadaro.

Anoenderera mberi achiti: “Pandakamubvutira pfumo akatanga kundirwisa nemawoko, pandakamubata mawoko akazondirwisa nekunditunga nemusoro.

“Nyaya iyi ndakatomboiendesa kumapurisa vakatiyananisa. Pavakazonzwa ave kutaura zvekuti anoda kundiuraya, vakati ndiuye kuno kuCivil Court.”

Achipawo divi rake, Manhichi anoti mashoko ose anotaurwa naMudimu manyepo.

“Iye ndiye anotondituka achiti handina basa rose. Anotora midziyo yangu achiparadza. Zvepfumo zvaari kutaura ndakatorishandisa senzira yekuzvinunura nekuti aida kundikanda demo chairo,” akadaro. Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare kuti vagonzwa mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links