‘Babamukuru dusai mari’

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MURUME wekunzi haariritire mwana mushure mekushaya kwemukadzi wake akazoendeswa kumatare nemunin’ina wemushakabvu achida kuti abvise mendenenzi. Matilda Charuma akamhan’arira Lovemore Masisimani kuHarare Civil Court achida kuti amupe mari yekuchengeta mwana waakaita nasisi vake.

“Changamire, kubvira zvakafa sisi vangu vakuru, ndini ndiri kutoriritira mwana ane nyaya yatiunza pamberi penyu nhasi. Kutozouya kuno nyaya yacho kwayatobva kwava kure pasina kunzwisisa kwababa ivava.

“Kubvira pandakavapa matsamba ekuuya kudare vari kungoti ngatitaurirane asi mukuvaziva kwandinoita vari kungoda kuwana mukana wekuti vasachengete mwana,” akadaro Charuma.

Akati Masisimani ane vamwe vana vaviri vaari kubhadharira ye$250 pamwedzi asi asingadi kubhadhara $50 yekuchengeta mwana wasisi vake.

“Tikada kunyatsozviongorora pavana vaviri ava mumwe nemumwe pakati pavo anenge achiwana $125 asi uyu achinyimwa $50 chete zvinova zvisingatenderwe pamutemo sezvo vana vose vakangofana uye vachifanirwa kuenzaniswa. Kungoti zvinhu hazvisi kundifambira, dai pasina izvozvo ndaimuchengeta mwana wasisi vangu ndiri ndoga,” akadaro Charuma.

Masisimani akati Charuma ainyepera dare sezvo akabvira kare achiriritira mwana wake.

“Gweta rangu handisi kuziva kuti riri kupi nekuti ndanga ndichida kunyatsogadzirira mapepa ekupikisa chichemo chaunzwa pamberi penyu naamai ava. Sezvo risipo, ngatingorovera bhora mberi,” akadaro Masisimani. Sekutaura kwaita mainini, havasirivo amai vemwana wangu ichokwadi ichocho nekuti havanzwisise uye vanenge vanoda zvinhu. Mai vemwana wangu ndaivapa $50 kubvira vachiri vapenyu uye nyangwe pavakashaya ndakaramba ndichingodusa mari iyoyo nekuti ndiko kwaiva nemwana wangu. Saka kutondikwezvera nhasi kuno kudare kuri kutondishamisa nekuti handina kumbozvifungidzira kuti zvingange zvichiitika. Ndiko kusaka ndaizama kuti nditaure navo ndinzwisise kuti chikonzero chaiva chei.”

Akati chikumbiro chake chaive chekuti arambe achibhadhara $50.

“Chikumbiro chandiinacho kudare ndechekuti ndirambe ndichibhadhara $50 iyoyo sezvo ndiri kubhadhara imwe mendenenzi ye$250 yevamwe vana vaviri vandiinavo nemumwe mukadzi. Ndiri mugadhijeri saka mari yandinotambira haizokwanise kuti ndibhadhare mazimari akawanda pamusoro peyandinenge ndichiwana,” akadaro Masisimani.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya iyi idzoke mudare kuti azopa mutongo wake.

Share This:

Sponsored Links