Bale oda mukombe

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Bale oda mukombe

Kwayedza

Sp3

Gareth Bale

SHASHA yemutambo wenhabvu inotambira chikwata cheReal Madrid, Gareth Bale, oti ari kushuvira kuhwapura mikombe yakawanda zvine mutsindo mwaka uno.Mutambi wepakati uyu, Bale akatarisana nekuhwina mikombe yose mitanhatu kumakwikwi achaitwa mwaka uno.

Bale achapinda mumakwikwi eChampions League, La Liga, Copa Del Rey, Fifa World Cup pamwe neSupercopa de Espana ayo ari kuitwa gore rino nerinotevera.

“Tiri kuda kuhwinha makwikwi ose atichapinda uye tichaedza napose patinogona kuti tizviite mwaka uno,” akadaro Bale. Chizvarwa chekuWale kuBritain, Bale anoti atojaira kutambira chikwata cheReal Madrid kubva zvaakatengeswa neTottenham gore rakapera nemari inosvika  85,3 paunzi uye kutambira nhabvu munhandare yechikwata ichi yeBernabeu kunomusimudzira zvakanyanya.

“Zvinofadza kuti handisisiri mutsva, ndakagadzirisa zvose zvaidiwa uye ndakatirena zvakanyanya kuitira mwaka uyo tava kupinda,” akadaro Bale. “Zviri nyore kutirena mwaka usati watanga pane kumirira kuti ushandure chikwata chekutambira.”

Makwikwi eSuper Cup achaona Real Madrid, iyo yakahwinha makwishu eChampions League mwaka wakapera, ichitatsurana neSevilla, iyo chakatora nyanga yeEuropa League.

Murairidzi wechikwata cheSevilla, Unai Emery, anoti haana kushamisika nekudadisa kwakaita Bale ari kuSpain zvichitevera kunwisa kaviri kwaakaita apo zvikwata izvi zvaitamba gore rakapera.

 

Share This:

Sponsored Links