Barika ramuonesa chakati tende

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Garnet Zvimba
NYAKUITA barika akazopotera kudare achiti aoneswa chakati tende nanyachide wake uyo anomufurusha pamwe nekuudzwa pachena kuti mudzimai wake uyu ane zvikomba.

Lovemore Tunduwe akaendesa mudzimai wake mudiki, Alice David, kuHarare Civil Court achiti anomutuka nemashoko magaramoyo.

“Alice mukadzi wangu wechipiri, tave nemakore mapfumbamwe taroorana. Anondinetsa achiti ndinomupa mari shoma kupinda yandinopa mukadzi mukuru. Anondituka pafoni achindiudza kuti handini murume wake ndega, atori nezvikomba zvakawanda.

“Pandinoda kuti ndimupindure anobva aenda nemameseji acho kumapurisa ini ndoguma ndasungwa. Anouya futi kumba kwemukadzi mukuru kuNorton zvekuti vanoguma vava kurwa. Ini ndaona kuti zviri nani amire kuuya kumba uku, ogara kwake kuHighfield,” akadaro Tunduwe.

David akaudza dare kuti Tunduwe ndiye anotanga kumufurufusha izvo zvinozoita kuti iye adzorerewo.

“Anonyepa, iye ndiye anotanga kundituka achindiudza kuti handisi mukadzi wake, ndiri pfambi yake. Zvino ini ndinomudzoserawo ndichimuudza zvekuti abhowekane. Kumba kwaamaiguru ndakangoenda kamwe chete vari ivo vakanga vanditi ndiuye nevana sezvo kumba kwangu kwakanga kusina chikafu,” akadaro David.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati David asaende kumba kwemukadzi mukuru uye achengetedze runyararo pakati pake naTunduwe.

Share This:

Sponsored Links