Uncategorized

Basa raderera: pfambi

04 Feb, 2016 - 22:02 0 Views
Basa raderera: pfambi

Kwayedza

  • ‘Varume havana mari’

  • ‘Unowana R5 pazuva’

VANOITA mabasa echipfambi mudhorobha reChiredzi vari kuchema-chema vachiti bhizimisi ravo raderera zvekuvasiya vachidya nhoko dzezvironda.

Kwayedza yakashanyira dhorobha iri ndokuita hurukuro nevamwe vanoita zvechipfambi munzvimbo dzinotandarira veruzhinji dziri kuChivamba Township.

“Kutaura chokwadi muno muChiredzi makatsva, hamuna kana mari zvekuti dzimwe nguva unogona kushandira R5 kana bond coin kwemazuva maviri chaiwo. Zvinhu zvichakanaka taiwana $2 pachikamu chimwe nechimwe chataisasana nevarume,” anodaro Beauty Ganyiwa (28) uyo anobva kwaMutare.

Anoti dambudziko rekushaikwa kwemakasitoma riri kukonzerwa nekuramwa basa kuri kuitwa nevashandi vemunzimbe veMkwasine neHippo Valley, kuTriangle kuChiredzi.

“Vashandi vemunzimbe nevanogaya shuga ndivo vagara vatinofadza kunyanya. Asi nekuda kwekuti havasi kubhadharwawo, vari kuramwa mabasa, saka hakuchina vachine nguva nesu pfambi. Vave kutorwisawo kuti vawane mari dzekuti vadye nemhuri dzavo asi hadzisi kubuda.

“Tanzwa nekungotenderera zvekuti mukapinda mubhawa iro (achinongedzera) munonzwa tsitsi.”

Ganyiwa anoti ane mwana mumwe chete ane makore mashanu okuberekwa, uyo waari kuedza kuriritira kubva mukuita chipfambi.

“Ndine mwana ari kumusha kuna ambuya vake. Zvakaoma, semumwedzi waNdira tinenge takatarisana nemari dzechikoro uye vanondichengetera mwana vanodawo mari.

“Ndakamboedza kuvamba bhizimusi rekubika sadza asi tiri kungorirasa nekuti vanotenga hakuna. Ndinodazve kubhadhara rendi $50 pamwedzi,” anodaro.

Ganyiwa anoti akatosarudza kuroja pedyo nebhawa kuitira kuti asazodhurirwa nezvekufambisa nokudaro imba yake iri chinhambwe chipfupi kubva parimwe bhawa.

“Inyika zvayo isina mabasa asi basa randakasarudza rinorwadza. Dzimwe nguva munhu unosara kufara uchiti wabata mhene, woenda nayo kumba yobva yakupa mari. Mushure mekungopedza kusasana unobva watorerwa zvakare mari iye vosiya vakurova.

“Ndakaona kuti ndiko katsika kave kuitwa nevamwe varume vemuno.

“Takangoverengawo mumapepanhau kuti dzimwe pfambi dzekuHarare neGokwe dzakapihwa mishonga yekumwaya maziso evanhu vanenge vachivambunyikidza asi kuno kuChiredzi hakuna,” anodaro.

Vamwewo ndivo vainyara kubuda pachena nebasa ravo vachiti vanotya kuzoonekwa munhau nehama dzavo.

Zvakadaro, vanoita mabasa echifambi mazuva ano vave kuzviita zuva rakacheka nyika kusiyana nakare.

Izvi zvinotevera mutongo wakaturwa nedare reConstitutional Court gore rapera unoti mapurisa vasasunge vanhukadzi vanoonekwa vachingombeya vavanofungidzira kuti vanenge vachiita zvechipfambi nekuti kuvasunga kutyora kodzero dzavo dzekufamba vakasununguka sezvo vamwe vanenge vachifambira zvakasiyana munguva dzemanheru.

Share This:

Sponsored Links