Batanai yopinza vana chikoro

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Batanai yopinza vana chikoro Mai Shylet Bakaya vakamira mubindu rechikwata chavo cheBatanai Group, kuMakonde nguva yadarika.

Kwayedza

RIMWE boka remadzimai rekuMakonde District, kudunhu reMashonaland West, riri kubatsira vana nherera, vanobva kumhuri dzinoshaya nevanorarama neutachiona hweHIV neAIDS nemari dzechikoro nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

Boka reBatanai Group rine nhengo dzinosvika 42. Vatori venhau vemasangano akasiyana nguva yadarika vakashanyira boka iri vachitungamirirwa neNational Aids Council vachida kuona mabhindauko ariri kuita pamwe nematambudziko arinosanganikwa nawo.

Mutungamiriri waro, Mai Shylet Bakayi (25), vanoti pari zvino vari kubatsira vana vanodarika 20 vemunharaunda nemari dzechikoro, kuvatengera mayunifomu nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

Vanoti vanowana mari yekubatsira vana ava kubva mumabhindauko avanoita ayo anosanganisira kurima zvirimwa zvakaita semuriwo nematomatisi mubindu ravo vachitengesa.

“Pari zvino tiri kubatsira vana vanodarika 20 nemari yechikoro, kuvatengera mayunifomu pamwe nezvimwe zvinodiwa kuchikoro. Vana ava vanosanganisira nherera, vanorarama neHIV neAids nevamwe vanobva kumhuri dzinotambura,” vanodaro

Mai Bakaya vanotizve kunze kwekutsigira mudzidzo yevana ava, vari kubatsira zvakare pachirongwa chekupihwa kwevana zvekudya muzvikoro nekutengesera zvirimwa zvavo kuzvikoro zvakavapoteredza.

Zvisinei, vanoti vamwe vevana vavari kubatsira avo vanorarama neutachiona hweHIV neAIDS vari kusangana nematambudziko ekushomeka kwezvekudya izvo zviri kukanganisa dzidzo yavo sezvo vanopedzisira vorovha kuchikoro.

“Vamwe vevana vatiri kubatsira ava vanorarama neutachiona hweHIV vanobva kumhuri dzinotambura zvakare nekudaro zvekudya zvinenge zviri zvishoma uye vanofanirwa kunge vachinwa mapiritsi emaARV. Izvi zvinoita kuti vana vakadai vapedzisire vatadza kuenda kuchikoro izvowo zvinokanganisa fundo yavo.

“Nekudaro tinokumbirawo rubatsiro kune vanokwanisa kubatsira,” vanodaro. Mai Bakaya vanoti kunze kwebhindauko rekurima, madzimai emuchikwata chavo vanokweretesana mari iyo inozodzorwa yati wandei zvishoma pasi pechirongwa chavanodaidza kuti “mukando”.

Vanoti rimwe dambudziko ravari kusangana naro nderekudhurirwa nemagetsi sezvo zvirimwa zvavo zvemubindu vachiita zvekudiridzira. Mai Bakaya vanoti kazhinji vanenge vachifanirwa kubhadhara $200 pamwedzi yemagetsi inove mari yakawanda kana vachitarisa yavanowana mushure mekutengesa zvirimwa zvavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>