Batsirai nherera dzehiv neaids

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views
Batsirai nherera dzehiv neaids

Kwayedza

SANGANO rinoona nezvekurwiswa kwekupararira kweHIV neAIDS pasi rose, reUNAIDS, rinoti muZimbabwe pari zvino mune vana vanosvika 890 000 avo vanove nherera zvichitevera kufirwa kwavakaitwa nevabereki nekuda kwedenda iri. Vamwe vevana ava vakashaikirwa nevabereki vose zvichireva kuti havana muriritiri uye vanotorarama nekubatsirwa nemasangano akasiyana.

Mamiriro ezvinhu akadai aya anoita kuti upenyu hwevana ava huome zvikuru zvekuti vamwe vavo vanopedzisira vave kutadza kuenda kuchikoro, kushaya pekugara kana zvekudya.

Pane zvakawanda zvinoshungurudza vana vanenge vafirwa nevabereki nekuda kweHIV neAIDS izvo zvinosanganisira kusemwa nehama kana nevamwe vanhu munharaunda.

Zvinoomera vana ava zvakare kuti vakwanise kurarama upenyu hutsva pasisina vabereki vavo.
Vamwe vavo vanopedzisira vave kuita mabasa asina zera navo nedonzvo rekuti vawane raramo panguva iyo vanofanira kunge vachienda kuchikoro.

Nekudaro zvakakosha kuti pave nemasangano anobatsira nherera pamwe nevamwe vane vabereki vanoshaya kuti vagove neramangwana rakajeka. Tinotenda zvikuru basa riri kuitwa nemasangano akasiyana mukubatsira nherera, zvikuru avo vakashaikirwa nevabereki nekuda kweHIV neAIDS.

Rimwe remasangano aya ndereWorld Eucation, iro riri kubatsira mudzidzo yevana vanotambura kumaruwa uye pari zvino riri kutsigira chikoro cheSimbarashe Out of School Education Programme kuMhondoro.

Chikoro ichi chinotungamirirwa naVaRichman Rangwani uye ndeche nherera, vanobva kumhuri dzinoshaya pamwe nevane utachiona hweHIV vasingaende kuchikoro, avo vanodzidziswa zvakasiyana mushure vachizorumurwa kuendeswa kuzvikoro zvepuraimari zvine vamwe vana.

Sekutaura kwaVaRangwani, vakatanga chirongwa ichi mugore ra2001 mushure mekuona kuti nherera nevana vanobva kumhuri dzinotambura vari kugumira chikoro panzira kana kutotadza kuenda zvachose. Ikurudziro yedu kuti kunofanirwa kuve nemasanango akawanda anobatsira nherera pamwe nevamwe vana vanotambura.

Hurumende iri kushingaira zvikuru kuti ive nechikamu chainoita mukubatsira nherera nevana vane vabereki vanoshaya kuburikidza nekuona kuti vabhadharirwa mari dzechikoro nezvimwe zvinodiwa pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (Beam).

Asika, Hurumende yoga haingapedze dambudziko iri nekuti mutoro wacho unorema. Nekudaro zvinotoda kuti mamwe masangano abatsire vachiita muonera pamwe sechuma chemuzukuru.

Hapana mwana anoda kuve nherera sezvo mwana wose achishuvira kugara achiona mubereki wake asi kuti rufu mutemo waMwari.
Nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vasatarisire vana vakafirwa nevabereki nekuda kweHIV neAIDS pasi asi kuti vavabatsirewo kusimudzira raramo yavo.

Share This:

Sponsored Links