Bauza akadzingwa basa

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Bauza akadzingwa basa

Kwayedza

ARGENTINA – iyo yakambohwinha mukombe weWorld Cup kaviri – yakadzinga murairidzi wayo, Edgardo Bauza, basa nemusi weMuvhuro zvichitevera kutatarika kwange kuchiita chikwata chekuSouth America ichi.

Mashoko ari kutenderera anoti murairidzi weSeivall, Jorge Sampaoli, uyo anove chizvarwa chekuArgentina uye akambobuda pachena kuti anoda basa iri ndokuzorairidza Chile ikahwinha mukombe weCopa America mugore ra2015, anogona kugadzwa pachigaro chinopisa ichi.

“Tasvika pakuwirirana, taudza Bauza kuti achisiya kuve murairidzi wechikwata chenyika,” mutungamiri weArgentine FA uyo achangobva kusarudzwa, Claudio Tapia, akaudza vatori venhau mushure mekupera kwemusangano wakaitwa kumahofisi avo kuBuenos Aires.

Argentina – iyo kaputeni wayo Lionel Messi akatemerwa zvirango zvekusatamba mitambo mina zvichitevera kutuka kwaakaita mutevedzeri wemuridzi wepembe – yakagara pechishanu muboka rekuSouth America uye pasara mitambo mina yekurwira kuenda kuWorld Cup kuRussia muna 2018.

Zvikwata zvina zvepamusoro muboka rine zvikwata 10, ndizvo zvichabudirira kuenda kumutambo uyu kuRussia uye chechishanu chichazosangana nechekuOceania mumakwishu aya. Bauza akarairidza mitambo misere, yese yekurwira kuenda ku2018 World Cup ndokuhwina mitatu, akaita mange miviri ndokuzokundwa mitatu zvakare.

Kana AFA ikakwanisa kutora Sampaoli kubva kuSevilla pachapera mwaka uno, anenge ane nguva yekugadzirira chikwata chake icho chichasangana neUruguay kuMontevideo muna Nyamavhuvhu. – SportsMail Football.

Share This:

Sponsored Links