Bazi roti zhizha raakupera

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Bazi roti zhizha raakupera

Kwayedza

Kingstone Mapupu
BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze reZimbabwe Meteorological Services Department rinozivisa kuti mwaka wezhizha wave kusvika pakunopera izvo zvinogona kukanganisa zvirimwa zvizhinji munyika sezvo zvichiri kuda mvura yakawanda kuti zvinge zvichisvika pakuibva. VaJohn Mupuro vanova Senior Meteorological Officer kubazi iri vanoti havasi kutarisira kuti kuchange kuchinaya mvura yakawanda kumativi mana enyika kubva pari zvino zvichienda mberi. “Mwaka wedu wezhizha wasvika kwekupedzisira, tinotarisira kuti mvura yakanaya masvondo mashoma akadarika ndeye kupedzisira,” vakadaro VaMupuro.

Zvakadaro, gurokota rebazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura zvirimwa zvemuminda yechibage yakatandavara mahekita 300 000 zvakatsva kumatunhu akasiyana enyika.

“Zvirimwa zvedu zvinosanganisa chibage nezvimwe zvidiki kune dzimwe nzvimbo hakuna chinokohwewa zvachose,” vakadaro. Kudunhu reMidlands nzvimbo dzine zvirimwa zvakatsva dzinosanganisira Zvishavane, Mberengwa, Shurugwi neKwekwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>