bfp yosimudzira varimi

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
bfp yosimudzira varimi Reserve Bank of Zimbabwe Governor Dr John Mangudya being shown part of the production process by Best Fruit Processors General Manager Engineer Smart Zongololo while workers Daniel Mamombe(third from left) and Esnath Tizora prepares to load a crate of guavas into the cleaning canal during a tour of the fruit processing plant in Norton yesterday – Picture by Kudakwashe Hunda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeBest Fruit Processors (BFP), iyo iri kuNorton uye inoshanda iri pasi peSchweppes Zimbabwe, inoti yakaunganidza US$10 miriyoni ichashandiswa mukuvhura mamwe mafekitori anogadzira zvinwiwa nezvekudya kubva mumichero kumatunhu anosanganisira Matabeleland South gore rino.

Vachitaura pazuva rekumemwa kwemuzinda uyu nagavhuna vebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Magudya, pamwe chete nevatori venhau, mukuru wekambani yeBFP, Egineer Smart Zongololo, vanoti kambani yavo inoda matani 30 000 emichero iyo avanoshandisa mukugadzira zvinwiwa.

“Tine mikana yekuti tinge tichiwana matani 20 000 emichero kubva kuvarimi pachinzvimbo chematani 30 000 ayo anoenderana nekukura kwakaita muzinda uno nemichina yatinoshandisa. Michina yedu inokwanisa kugaya matani 10 000 emichero yakaita semagwavha, mango, matomatisi ichigadzira zvinwiwa paawa rimwe chete. Munguva pfupi inotevera, tichange tave kugaya mimwe michero semabutternuts, mapichisi nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti kambani yavo yakatenga michina yemhando yepamusoro iyo inobatsira kuti vashande nemazvo.

Eng Zongololo vanoti pari kudiwa US$1 miriyoni yekutsigira nyaya dzemadiridziro.

Vachitaura pachiitiko ichi, Dr Mangudya vanoti RBZ ichatsigira kambani iyi kuti isimukire.

“Tinofara zvikuru nemabasa ari kuitwa pano, ekushandisa zviwanikwa zvemuno zvakadai semichero zvichigadzira zvinwiwa (value addition) nekuti ndizvo zvinofambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset. Kana tikagadzira zvinhu zvedu muno, zvinoreva kuti nyika haichadhurirwe nekunotenga kune dzimwe nyika uye haichazoomerwi nekushaya zvinwiwa muzvitoro,” vanodaro. Vanoti zvinhu zvinogadzirwa muno zvine mitengo yepamusoro kana zvichienzaniswa nezvekunze.

Gore rapera, BFP yekuNorton yakagaya matani 2 400 ematomatisi nemagwavha apo yakange ichangotanga kushanda.

Sachigaro weBFP, VaNicholas Ncube, vanoti vari kutarisira kushanda nevarimi 3 328 vari kuMatabeleland pasi pechirongwa che$10 miriyoni iyo vakaunganidza kuti vavake muzinda mutsva kuEsigodhini.

Munzvimbo yeNorton, vanoti vari kushanda nevarimi 2 550 avo vari kubatsira nekuunza michero pamuzinda uyu.

Vanoti vari kushandawo nevarimi vadiki, vakuru nevari pakati nepakati munzvimbo dzinosanganisira Mhondoro, Wedza, Honde Valley, Zvimba, Zaka neChipinge uko vari kutarisira kuwana matani 3 000 emichero.

Chikamu che70% cheBFP chiri mumawoko eSchweppes Zimbabwe apo 30% iri pasi pesangano reAgriculture Development Authority (Arda).

Share This:

Sponsored Links