Bhadhara nekuti unotengesa mupeta’

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Bhadhara nekuti  unotengesa mupeta’

Kwayedza

Memory Lemani
MURUME anoshanda samakanika, wekunzi anotengesa doro remukoto zvakare asi achitadza kuriritira mhuri yake, akazvuvirwa kudare nemudzimai wake achida $300 pamwedzi yekuchengeta vana vatatu. Elizabeth Moyo akaudza mutongi weHarare Civil Court kuti murume wake, Nkululeko Moyo, haambotadzi kubhadhara mari iyi.

“Changamire, murume uyu anowana mari inodarika $800 pamwedzi kubasa rake rehumakanika uye $20 pazuva nekutengesa mupeta. Ini kuchengeta vana kuri kundiomera nekuti vanoda mari yechikoro inoita iyo $162 patemu vose vari vatatu,” akadaro Moyo. Achipawo divi rake, Nkululeko akati mari yaidiwa naElizabeth haaikwanisi nekuti haashande.

“Ini ndinotobatsirawo shamwari yangu anonzi Richard kugadzira motokari kana achinge akawandirwa nebasa. Ndikamubatsira anondipa $5. Zviri kutaurwa zvekuti ndinowana $800 uye kuti ndinotengesa mupeta manyepo. Ini mari yandingatokwanisa kumupa kuti achengete vana i$30, ” akadaro Nkululeko. Mutongi Ruth Kamangira-Samukange akati Nkululeko abhadhare $80 pamwedzi yekuchengeta vana vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey