Bhadharai fizi: Mavima

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Bhadharai fizi: Mavima Prof Mavima

Kwayedza

Tandayi Motsi
Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti vabereki vanofanira kubhadharira vana vavo mari dzechikoro zvisinei nemutemo weHurumende unoti zvikoro hazvitenderwe kudzinga vana vane zvikwereti.

Prof Mavima vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weChegutu West mudare iri, Cde Dexter Nduna. Cde Nduna vaida kuti Prof Mavima vajekese nyaya yekuti zvikoro hazvifanire kudzinga vana vanenge vasati vabhadharirwa mari dzechikoro.

“Mubvunzo wangu uri kuenda kune gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, muri kuenderera mberi muchitaura nguva nenguva, kuti vana vasadzingwe chikoro, kunyanya vepuraimari. Mungajekese here nyaya iyi muno mudare yekuti vana havafanire kudzingwa kuchikoro kana vasati vabhadharirwa mari panguva ino yekuoma kweupfumi hwenyika,” vanodaro Cde Nduna.

Prof Mavima vanoti bazi ravo ragara richitaura nguva nenguva kuti zvikoro hazvifanirwe kudzinga vana vanenge vasina kubhadharirwa mari.

“Zvisinei, senzira yekuti chokwadi chive chinozivikanwa, regai nditi tinosungirwa nebumbiro remutemo wenyika kuremekedza kodzero yemwana wose kuti awane fundo. Zvakadaro, hapana chikoro chinotenderwa kudzinga mwana upi zvake nenyaya yekuti haana kubhadharirwa mari sezvatagara tichitaura. Tataura kudaro, vabereki vedu vanofanira kuziva kuti ibasa ravo pamwe neHurumende kuona kuti mari yefundo yevana yabhadharwa. Tinokumbira kuvamiriri vematunhu akasiyana vari mudare rino kuti vashande nesu mukuona kuti vabereki vabhadhara mari yekuti vana vadzidze,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti nyaya yekusimudzira dzidzo yakakosha sezvo ichiumba remangwana renyika.

“Nyaya iyi ine chekuita neremangwana reZimbabwe nekudaro tinofanira kuikoshesa. Tiri kuti ngatibatsiranei dzidzo yedu irambe ichiendeka, ichishanda kuitira kuti tiumbe vatungamiriri vedu vemangwana,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti nekuda kwekunetsa kuri kuita kuwana mari munyika, bazi ravo rakatendera zvikoro zvose kuti zvitambire mari inobviswa nevabereki nenzira dzakasiyana.

Cde Nduna

“Panyaya yekubhadharwa kwemari iyi, takaudza zvikoro zvose kuti zvive nenzira dzakasiyana dzekubhadharwa kwemari iyi.  Zvimwe zvikoro mumaguta nemadhorobha zvakawanda zviri kushandisa michina yePoint of Sale pamwe nemaRTGs.

“Zvikoro zvose zvemuZimbabwe zvine maakaundi kumabhanga uko munhu anokwanisa kuisa mari. Saka ngatikurudzirei vabereki kuti vabhadhare mari yechikoro kuitira kuti dzidzo yedu irambe ichifambira mberi,” vanodaro Prof Mavima.

Cde Nduna vanobvunza zvakare kuti ko nherera dzisina vanokwanisa kudzibhadharira mari dzingabatsirwe sei?

“Muri kuti vabereki vanogona kuzobhadhara mari yechikoro yevana vavo nekufamba kwenguva, ko nherera dzisina vabereki dzinoitawo sei?” vanodaro Cde Nduna.

Prof Mavima vanoti Hurumende ine chirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) chekubatsira nherera nevamwe vana vanoshaya nemari dzechikoro pamwe nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

“Ndicho chirongwa chinobatsira vana vanoshaya. Zvikoro zviri kusangana nedambudziko rekunonoka kupihwa mari yeBEAM asi vana vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi havasi kushaiswa mukana wekudzidza. BEAM iri kushanda kunyangwe zvazvo mari yacho ichizotora nguva kuti ibhadharwe kuzvikoro,” vanodaro Prof Mavima.

Zvakadai, mumiriri weProportional Representation VaGoodluck Kwaramba vanoti Prof Mavima vari kutaura mashoko akakosha asi zvavari kutaura handizvo zviri kuitwa nezvikoro zviri kumaruwa.

“Pari zvino vana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 vane mari dzisati dzabhadharwa neBEAM vari kunzi havapihwe zvakabuda pavakanyora kusvikira mari idzi dzabviswa. Ndakatobhadharira mumwe mwana uyo ari kubatsirwa pasi pechirongwa cheBEAM mushure mekunge atadza kutora zvakabuda paakanyora bvunzo dzeGrade 7,” vanodaro.

“Ndiri kuti gurukota redzidzo rinofanira kuita zvekunyora gwaro chaizvo kuitira kuti vakuru vezvikoro vazive kuti kune mutemo wakadaro,” vanodaro VaKwaramba.

Prof Mavima vanoti vari kugamuchira zvichemo zvakasiyana pamusoro pemafambisirwo edzidzo munyika uye mushishi yekugadzirisa nhunha idzi.

“Takagamuchira zvichemo zvakasiyana izvo tiri kugadzirisa, tiri kugamuchira zvichemo zuva roga-roga, kwete pamusoro pechirongwa cheBEAM chete asi kuti kubvawo kune vamwe vabereki vari kubhadharira vana vavo voga. Zvatinoudza vakuru vezvikoro zviri pachena. Tinovati vasanyime vana vanenge vasina kubhadharirwa fizi zvinenge zvabuda pabvunzo dzeGrade 7 asi kuti vagare pasi nevabereki vowirirana kuti vangabhadhare sei mari iyoyi.

“Zvisinei, zvinoda kuti pave nekutaurirana nevakuru vezvikoro kuitira kuti nyaya iyi isarambe ichinetsa. Ndichingobuda mudare rino chete, ndichataura nemunyori mukuru webazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuitira kuti azivise vakuru vanoona nezvenyaya iyi kuti dambudziko iri ribve rapera zvachose,” vanodaro Prof Mavima.

 

Share This:

Sponsored Links