‘Bhajeti ngarigadzirise nhuna dzemadzimai’

13 Nov, 2015 - 15:11 0 Views
‘Bhajeti ngarigadzirise nhuna dzemadzimai’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MASANGANO anomirira madzimai anoti zvakakosha kuti bhajeti renyika regore rinouya ritarisewo matambudziko akasiyana avari kusangana nawo akaita sekushaya mari yekuvasimudzira mumabhindauko avanoda kuita. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nemasangano aya muHarare nguva pfupi yadarika apo vanhukadzi vaikurukura pamusoro penhuna dzavanoda kuti dzigadziriswe neHurumende kuburikidza nebhajeti ra2016.

Vachitaura pamusangano uyu, Mai Virginia Muwanigwa, avo vanove sachigaro wesangano reWomen’s Coalition in Zimbabwe, vakati madzimai ari kukundikana kubudirira mumabhindauko avari kuita ayo ane chekuita nebudiriro yenyika nekuda kwekuti havana mari uye zvekushandisa zvakakwana.

“Pano tine madzimai anoita zvezvicherwa asi vari kukundikana kuenderera mberi nebasa ravo nekuda kwekuti vari kubhadhariswa mari dzakawanda neveEnvironmental Management Agency (EMA).

Somuenzaniso, kana mudzimai achinge achiita zvezvicherwa anogona kunzi abvise US$1 500 yekunyoresa mugodhi wake.
“Pamusoro peizvi, anenge achisungirwa kubhadhara mari yemagwaro ayo anonyorwa neveEMA kuti vamupa mvumo yekuita basa zvinoita kuti mari iyi isvike US$2 500 kana kudarika. Mari yakawanda kudai haisi nyore kuwanikwa nemadzimai,” vakadaro.

Mai Muwanigwa vanoti Hurumende inofanira kutarisa nhunha dzemadzimai ari mumabhizimusi akasiyana nechinangwa chekuti ivabatsire kuburikidza nebhajeti renyika ra2016 kuitira kuti vakwanise kubhadhara mitero uye kutenga michina yekushandisa. “Kana madzimai akange ave nemichina uye mari yemutero, zvinovaitira nyore kufambisa mabasa avo zvakanaka vachiwana mari zhinji inoita kuti vakwanise kuendesa vana kuchikoro nekutengawo kudya kunovaka muviri.

“Ndiko kunenge kuri kuzadzikisa chirongwa chegutsaruzhinji cheZim-Asset. Kana vanhu vakange vave kuzvishandira, zvinobatsira mukuderedza humbavha uye ndufu dzemadzimai nevana panguva yekuzvarwa nekuti vanenge vokwanisa kuenda kunorapwa kuzvipatara,” vakadaro.

Mutungamiriri wesangano remadzimai ari munyaya dzekurima, reZimbabwe Indigenous Women Farmers Trust (ZWFAT), Mai Depinah Nkomo vanotiwo vanoda kutsigirwa munyaya dzemadiridziro uye kuwaniswa matirakita ekurimisa.

“Semadzimai anorima, tiri kusangana nematambudziko ekushaya zvekushandisa mumunda, zvikuru munguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze.

‘‘Tinoda mari yekutenga michina yekudiridzira nekuti mvura yedu haichanaya zvine gwara.
‘‘Tinoda kurima kune pundutso nekuti taneta nekuramba tichitenga chibage kune dzimwe nyika gore negore.

“Mari iyoyo iri kutengeswa chibhage ngaipihwe kwatiri varimi titenge zvekudiridzira kuitira kuti tirime chibage chedu muno,” vakadaro.
Gurukota rezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda, Cde Nyasha Chikwinya, vanoti vachaendesa zvichemo zvemadzimai izvi kumahofisi akakodzera kuitira kuti patorwe matanho ekugadzirisa matambudziko avakatarisana nawo.

“Pamusangano uno tadzidza zvinhu zvakawanda kwazvo, kuti madzimai ane shungu dzekuti vange vachibudirira muupenyu hwavo asi vari kudzorerwa shure nekuda kwekuti havana mari. Sebazi rinomiririra madzimai, tichaedza nepose patinogona kuti tinge tichitsvaga mari yekuti tiise mubhanga remadzimai (Women’s Bank) kuti vabatsirike.

“Tichaendesa zvakare zvichemo zvavo kwaVa(Patrick) Chinamasa (gurukota rezvemari) kuitira kuti zvitariswe mubhajeti ra2016,” vanodaro Cde Chikwinya.

Mamwe masangano emadzimai aive pamusangano uyu anosanganisira Zimbabwe Women’s Resources Centre (ZWRCN), Women in Tourism, Women in Trade, Women in Energy Sector nemadzimai akaremara mitezo, vari munyaya dzeutano, dzidzo nevanoona nezvekurwiswa kwenyaya dzemhirizhonga.

Share This:

Sponsored Links