Bhinzi dzine pundutso: Zcfu

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Bhinzi dzine pundutso: Zcfu

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VARIMI vane minda ine zvirimwa zvakanyudzwa nekuwanda kwemvura vokurudzirwa kuti vashandise hunyoro hwevhu kurima bhinzi senzira yekupedza nzara mudzimba dzavo uyewo nekuti vazviwanire mari.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wesangano revarimi reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU), VaWonder Chabikwa.

Vanoti nekuda kwemvura iri kunaya zvakadarikidza kunzvimbo dzose dzenyika ino, kune mimwe minda ine zvirimwa zvakanyudzwa izvo zvinogona kukonzera nzara kune vamwe varimi.

“Saka tinoti kuvarimi vakadai ngavarege kuchema vachiti zvirimwa zvedu zvakanyura vakapeta mawoko. Ngavatange izvozvi kudyara bhinzi dzemhando yakasiyana, asi zvikuru dzinokurumidza kusvika dzakaita sedziya dzinotora mwedzi miviri kusvika,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti kune zvirimwa zviri kutotaridza kare kuti hapasisina chichabuda nekuda kwekuwandirwa nemvura nekudaro varimi vanofanira kurima zvimwe zvakaita sebhinzi muminda yakadai.

“Nguva haina kumbopera kuvarimi nekuti zvirimwa zvakawanda zvinokwaniswa kudyarwa muchirimo. Asi izvozvi ngatidyarei bhinzi totemera mashanga ezvirimwa zvakanyura pasi. Tinogona kuisa mipfudze nefetereza sezvo kudya kwevhu kwakanyudzwa pasi nekuyeredzwa nemvura yakawanda, tadaro todyara bhinzi dzedu,” vanodaro.

Vanoti panozosvika mwedzi waChivabvu varimi vanodyara bhinzi parizvino vanenge vave kutokohwa. “Nenzira iyi tinenge tichiita yatinoti crop-rotation (kuchinjanisa zvirimwa mumunda) zvinosimbisa ivhu redu muminda,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoti bhinzi chirimwa chakangofanana nezvimwe nekudaro chinoda kusakurirwa zvakanaka uyewo nekuiswa mishonga yekuuraya tumbuyu kuti chiite zvakanaka.

“Tine bhinzi dzemuchirimo nedzemuzhizha saka varimi vedu ngavashande pamwe chete nevarimisi nenyanzvi dzinoona nezvezvirwere zvezvirimwa,” vanodaro VaChabikwa.

Share This:

Sponsored Links