Bhinzi: Nakirwa iwe!

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Bhinzi: Nakirwa iwe!

Kwayedza

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka

SVONDO rino, Mai Webster Alubi vekuChitungwiza vacharondedzera mabikirwo ebhinzi, kunove kudya kunovaka muviri sezvo kuine maprotein neiron uye kwakaderera mutengo.Zvinodiwa:

Bhinzi, chikari kana poto, mafuta, munyu, matomatisi nehanyanisi.

Mabikiro:

Pima bhinzi dzaunoda kubika worara wakadzinyika mumvura.

Izvi zvinoitirwa kuti dzipfave dzisazotore nguva yakareba pakudzibika.

Zuva rinotevera, nyurura bhinzi wodziisa muchikari chakachena.

Dira makomichi mana emvura worega zvikwate kwemaminitsi 30 kusvika 45.

Wozodii?

Kana bhinzi richinge raibvam, rinoonekwa nekukora muto.

Gadzira muto padivi seizvi:

Isa chipunu chemafuta, kanda hanyanisi wosiya zvitsvukire uchizvikanga. Chikanda matomatisi nemunyu uye kana zvaibva chikurungira godzamuto.

Tora bhinzi dziye usanganise nemuto, fashaidza kwemanitsi mashanu.

Bhinzi dzinodyiwa nesadza, mupunga kana kuisa pachingwa.

Nakirwa zvako iwe!

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey