Bhinzi: ‘Nyama yemugadheni’

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Bhinzi: ‘Nyama yemugadheni’ Binzi dzakanakira utano sezvo dziine zvatingati zvidhinha zvinovaka muviri.

Kwayedza

Aaron Chipatiso
Kukambani yePrime Seed Co tine mhando dzebhinzi dzakasiyana dzinonyanya kudyiwa dzakaoma (sugar beans) nedzinodyiwa dzichiri nyoro (greenbeans). Binzi dzakanakira utano sezvo dziine zvatingati zvidhinha zvinovaka muviri. Binzi dzinorimwa nguva dzose munzvimbo dzisingarohwi nechando kana kuti kubva munaNyamavhuvhu kusvikira muna Kukadzi  munzvimbo dzinorova chando.

Kana mamiriro ekunze achidziya zviri pakati pe15-28°C, binzi dzinowanikwa kuPrime Seed Co dzinoita chaizvo dzichipa murimi gohwo rakanakisa. Bhinzi ndiyo “nyama yemugadheni” sezvo dzichipa chikafu chinovaka muviri chinonzi icho maprotein.

KuPrime Seed Co tine mbeu dzebhinzi dzakasiyana-siyana dzinosanganisa Sugarbonus, Bounty (dzinoomeswa), Volta, Adele, Salima, Makatini neCassidy (greenbeans dzichangoburwa). Idzi mbeu imando yepamusoro uye dzichipa gohwo rakakura. Ndinoda kutaura nezvemhando yebeans ine mukurumbira inonzi Sugarbonus, Bounty neVolta.

Sugarbonus neBounty:

Idzi ibhinzi dzekurima kunyanya mwaka uno watiri. Dzine gohwo rakanaka rinobva pa2.5 kusvikira pa3 tonnes pahekita.

Volta:

Volta ibhinzi dzinodyiwa dziri nyoro uye  ndedze mhando yepamusoro inoshingingirira kuzvirwere zvakawanda. Volta inobereka zvakanyanyisa zvekuita 13 tonnes pahekita. Volta inotora mazuva 70 kuti uikohwe.

Adele:

Adele ibhinzi inobereka vana vakareba 14cm kusvikira 16cm.

Kurimwa kwebhinzi:

Bhinzi dzinodyarwa kubva muna Nyamavhuvhu  kusvika kutanga kwaChivabvu. Bhinzi dzinotora mazuva 60-80 dziri mumunda kubva munguva yokudyarwa kusvika kukohwa. Bhinzi idzi  dzinoda kudziya kwekunze kunova kuri pakati pe16-21 degrees celcius.

Bhinzi rinoda kurimwa muivhu rinofamba mvura nemhepo zvakasununguka (well drained soil) uye richichengetedza mvura zvakafanira (good soil retention moisture).

Ivhu racho rinofanira kuva nekakuvavirira nekakutapirira kari pakati pe5.5-6.0pH. Ndinokuridzira kuti ivhu riongorerwe navanamazvikokota vevhu kuitira kuti murimi azive kuvava kana kutapira kwevhu rake nguva ichipo sezvo panogona kuonekwa dambudziko muvhu macho, wobva wagadzirisa mwaka usati watanga.

Pakudyara panodiwa fetireza yepasi (Compound C) inoita 800-1000kgs pahekita imwe chete muivhu rakareruka, 400-500kgs pahekita muivhu rakakora. Kana iri fetireza yepamusoro (AN), shandisai 300kgs pahekita muvhu rakareruka inopatsanurwa mukudira kubva muvhiki rechitatu zvichienda mberi kusvikira nguva inotanga kubuda maruva.

Asiwo fertireza yepamusoro inoiswa iri shoma muvhu riya rinenge rakakora. Panodiwawo imwe mhando yefertireza yepamusoro inonzi Sulphate of Potash (S.O.P) inoiswa nehuhwandu hwe75-100kgs pahekita yoga yoga.

Huwandu hwechirimwa chebhinzi hunokuridzirwa pahekita i300 000 zvichireva kuti mbeu inodikanwa kuburitsa huwandu uhwu i65kgs kusvikira 100kgs.

Kana tichidyara bhinzi, tinokurudzira  kudzikisa mbeu zvinoita izvo 25mm muivhu. Bhinzi idzi dzinoparadzaniswa 50-100mm mumutsara uye 400-600mm kubva pane rimwe raini kusvika pane rimwe. Rimirai bhinzi kumunda uri kunobva mhepo kana uchinge uchirima mbesa dzakasiyana-siyana kuitira kuderedza twumbuyu twakaita senhata uye zvirwere zvakaita serust.

Mvura yekudiridza inodiwa inoita iyo 300mm-500mm asi chakakosha kusadiridza zvishoma kana zvakanyanyisa nekuti zvinokonzera matambudziko akawanda pakurima bhinzi idzi sekudonha kwemaruva kana kubhenda kwebhinzi dzacho.

Murimi anokurudzirwa kutanga kukohwa bhinzi dzake kana pwapera mazuva gumi nemana kubva mukuita maruva.

Ruzivo urwu rwunowanikwa kumadhumeni enyu ePrime Seed Co ayo akatekeshera neZimbabwe yose.

Pakurima bhinzi murimi anofanirwa kugadzirira mishonga yekuuraya nhata netwumwe tunobhururuka twunonzi whitefly negonye rinonzi bean stem maggot.

Kana uchinge watenga mbeu yako inobva kuPrime Seed Co, zivisa murimisi wako wePrime Seed Co upakurirwe ruzivo rwuzere maererano nemarimirwo echirimwa ichocho zvigokupa gohwo rakanakisa. Iva murimi akarongeka anotenga mbeu yebhinzi inobva kuPrime Seed Co. Wana ruvizo kubva kunyanzvi dzekuPrime Seed Co tivandudze upfumi hwenyika.

Mari iri muvhu. Mari iri mumbeu dzePrime Seed Co. Kuti Prime Seed Co ndokuti mbeu. Rambai muchiverengwa zvinyorwa zvino kuti mudzidze zvakawanda kubva kunanamazvikokota vePrime Seed Co.

  • Aaron Chipatiso murimisi kuPrime Seed Co uye anobatika pa: 0732 884 759.

Share This:

Sponsored Links