Bhishopu akarova bara

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Bhishopu akarova bara

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
MUMWE bhishopu anonzi akatiza papurupiti apo aiparidza mushure mekunge aimbove mudzimai wake aenda kuchechi nemupurisa vachida kumupa masamanisi ekuti aende kudare. Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Never Mbizi akamhan’arira aimbove mudzimai wake, Yeukai Mushaninga, achida kuti dare ridzikise $250 yarakatema yemendenenzi iye asipo.

“Changamire wangu, ndinokumbira kuti dare ridzikise mutongo waro wekutanga sezvo wakatemwa ini ndisipo. Handina kuona masamanisi ekuti ndakanga ndichidiwa kudare, mapepa akatumirwa kukero yekuMabvuku isiri iyo. Ini ndinogara pakero inoti 53 Rukariro Primary School, Murewa, nekudaro handina chandaiziva,” akadaro Mbizi.

“Ndinoda kupa mudzimai uyu $50 pamwedzi uyezve ndichizobhadhara mari dzose dzinodiwa kuchikoro nekuchipatara. Ndiri murimi anowana mari kupera kwemwedzi woga-woga handina chimwe chandinoita,” akadaro Mbizi.
Mushaninga akati Mbizi ainyepera dare sezvo ari bhishopu weimwe chechi.

“Murume uyu ndibishop wechechi inonzi Rama Mission in Christ inowanikwa kuChitungwiza nekwaMurewa uye anopihwa mari yakawanda nevatendi vake.

‘‘Ndakaenda ndichida kumupa masamanisi ari kuchechi kwaSeke, kuUnit D paDudzai Primary School. Pandakasvika nemupurisa akabva abva pamberi pevanhu papurupiti ndokutiza.

‘‘Ari kureva nhema kuti anga asingazvizivi,” akadaro Mushaninga.
Akati zvakare mwana wake haasi kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari.
Mutongi Trevor Nyatsanza akati Mabhiza abhadhare $50 pamwedzi pamwe nekubvisa mari yechikoro neyechipatara.

Share This:

Sponsored Links