Bhora raenda kumarara: Yogi

23 Apr, 2015 - 16:04 0 Views
Bhora raenda kumarara: Yogi

Kwayedza

Abel Ndooka
DAVID “Yogi” Mandigora, uyo ari kurairidza  chikwata chikuru chemuno cheDynamos, anoti nhabvu yemakore ano yasiyana zvikuru neyekare sezvo vatambi vakawanda vave kukoshesa mari kana kuti “chibhanzi” izvo zvaanoti zviri kukonzera kudzikira kwemutambo uyu.

Yogi ndiye akahwinha mubairo wekutanga wePremier Soccer League Soccer Star of the Year mugore ra1980 pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere apo aitambira DeMbare.

Mugore ra1979, akapotsa nepadiki kuhwina mubairo weSoccer Star of the Year sezvo ari iye akaita 1st runner up.
“Mhando yenhabvu yave kutambwa izvozvi yasiyana zvakanyanya neyakare. Isu taidzidzisa kumaka vanhu kwete izvozvi.

“Zvinosuwisa kuona kudzikira kuri kuita mutambo uyu takatarisana nenyaya dzatiri kuona zvikwata zvichinetsana nevatambi vazvo nekuda kwemari.

“Isu panguva yedu taienda kumabasa tichidzidzira manheru asi zvino zvasiyana nekuti vatambi vemazuva ano vave kurarama nhabvu chete. Vakasawana mari kubva kuzvikwata zvavanotambira zvinovaomera zvikuru, vane mhuri dzinoda kuchetengetwa.

“Asi tarenda vanaro rinodadisa, rinonwisa mvura,” anodaro Yogi.

Mandigora akaberekwa mugore ra1957 kuKadoma ndokuzokurira kuHighfield, muHarare.

Akatanga kutambira DeMbare muna1972 apo aive kuchikwata chevadiki.

Kwayedza yakabvunza Yogi kuti zvinorevei kuhwina kwaakaita mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra1980 apo nyika yeZimbabwe yakawana kuzvitongakuzere, iye ndokuti izvi anozvikoshesa zvikuru.

Anoti akahwina mukombe uyu achiri mudiki mugore iro raakatamba nhabvu yaidakadza zvikuru.

“Chaive chiremerera chikuru kuhwina Soccer Star of the Year, ndaive mupfana panguva yacho.

“Gore iri ndakanwisa zvaifadza uye chikwata chedu chakahwina mukombe wePremiership.

“Vatambi vemazuva ano vanofanirwa kushanda nesimba kana vachidawo kuwana mukana wakaita seuyu kuti vagova Soccer Star of the Year.

“Zvinhu zvinofadza zvikuru kunzi ndiwe wakatamba nhabvu kukunda vamwe vose.”

Mandigora akatambira DeMbare kwemakore anodarika 10 kubva mugore ra1977 kusvika 1987. Aive kaputeni wechikwata ichi zvakare kubva 1983 kusvika 1986.

Kutamba nhabvu kunodakadza kwaakaita kuDeMbare kwakamuona achishevedzwawo kunotambira maWarriors mumakore anoti 1980 kusvika 1986.

Panguva yake, Yogi akatambira Dynamos yoga uye anoti akakwanisa kubatsira chikwata chake kuhwina mikombe yePSL kanokwana kanomwe pamwe nekukumba mimwe mikombe yakawanda.

Akatamba nevatambi vakaita saMoses Chunga, Sunday Chidzambwa naMisheck Chidzambwa.

Kubva paakasendeka shangu dzake, Yogi akatanga kurairidza zvikwata zvakasiyana. Akatanga kurairidza nhabvu muna1987 apo aive kuCone Textiles yaive kuDivision One.

Kubva 1989 kusvika 19891, airairidza Darryn Textiles iyo yaitamba muSuper League. Kuzobva 1989 kusvika1990 airairidza maWarriors.

Akahwinawo mibairo yakaita seMailnet Coach of the Year mugore ra2006, CBZ/PSL Coach of the Year 2007.

Asati atanga kurairidza DeMbare, Yogi akamboshanda semutevedzeri waMoses Chunga naSunday Chidzambwa kuchikwata ichi.

Mandigora anokurudzira varairidzi venhabvu kuti vave vakazvipira kudzidza kune vamwe vavo vagara mumutambo uyu kwemakore akawanda. “Kurairidza nhabvu chinhu chikuru chinoda kuti uzvipire nguva refu uchidzidza zvakawanda.

“Murairidzi wose unofanirwa kunge wakazvipira kudzidza, pasina izvozvo hapana kwaunosvika. Kufanana nevatambi venhabvu, unofanirwa kunzwawo kune vamwe. Kana ukakura musoro tarenda rako hapana kwarinosvika,” anodaro Yogi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>