Bhudhi opindira sisi vari musvo

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Bhudhi opindira  sisi vari musvo

Kwayedza

. . . arere mumba nemuchimbuzi
Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekuendeswa kudare redzimhosva nehanzvadzi yake achinzi ari kumushungurudza nekumupindira mumba maanorara ari musvo, anoti anomunyepera asi kuti anorwadziwa nekudzinga kwaakaita chikomba chake pamba pavo.

Thandiwe Moyo akamhan’arira Simba Moyo kuHarare Civil Court achiti anomutuka zvinyadzi nekupinda mumba make maanorara zvisina mvumo yake.

“Hanzvadzi yangu Simba anondishungurudza zvisingaite zvekuti ndinoshaya kuti ndotizira kupi nekuti amai vedu vari mhiri kwemakungwa, baba vakashaya uye pamba patiri kugara ndepevabereki vedu.

“Anondituka zvinyadzi pamberi pevana vangu. Anondipopotera zvisingaite uye anopinda mumba mangu mandinorara ndisina kumupa mvumo zvekuti pamwe pacho akatondipindira ndichipfeka hembe, kunyangwe muchimbuzi anotovhura okupindira,” anodaro Thandiwe.

Anoti Simba anopota achipfeka hembe dzababa vavo otanga kuzvitutumadza achizviti ndiye ava baba.

“Ane tsika yekupfeka hembe dzakasiiwa nababa, otanga kuzviti ndiye baba saka anofanirwa kutererwa achindidzinga pamba nevana vangu,” Thandiwe anoudza mutongi wedare iri Amanda Muridzo.

Achipawo divi rake, Simba anoti haashungurudze hanzvadzi yake asi kuti akamuvenga nokuti akadzinga chikomba chake apo chakange chave kugara chichiita ruzha pamba pavo.

“Hanzvadzi yangu handiite zvese zvaari kutaura izvi, ndinotomuda nekuti mwana waamai vangu. Chingoripo ndechekuti akarwadziwa kuti ndakadzinga chikomba chake chakanga chauya kumba nekuti chakanga chava kuita ruzha, zvino ava kuda kundirwadzisa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Handina dambudziko nechikumbiro chake nekuti iye ndiye anotondinetsa zvinoita kuti ndizomutuka sezvaari kutaura, ndiye anenge anditanga saka gwaro raari kuda rakatonakirawo neni nekuti anenge asisanditukewo,” anodaro Simba.

Mutongi Muridzo akapa Thandiwe gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey