Bhuku idzva reGrade 7

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Bhuku idzva reGrade 7

Kwayedza

BHUKU idzva richangoburwa reVentures Agriculture Revision Grade 7 rakanyorwa naG. Mujajati naT.G. Kombora rikatsikiswa neCollege Press Publishers gore rino.

Bhuku iri rakanyorwa nedonzvo rekubatsira vadzidzi vedanho rechinomwe kupuraimari avo vave kugadzirira kunyora bvunzo dzavo dzekupera kwegore.

Zvidzidzo zvose zvinotarirwa kuti vadzidzi vange vakaita kubvira kudanho rechina kusvikira padanho rechinomwe, zvinonyatsojekeswa nepapfupi kuti vakwanise kubata zvinokosha zvose.

Zvinangwa zvose zvakakosha zvechidzidzo cheAgriculture zvinodonongodzwa nemazvo zvinoita kuti vadzidzi vakwanise kuita dzokororo yakakwana.

Marongerwo eVentures Agriculture Revision Grade 7 anoita kuti vadzidzi vakwanise kuona kuti vanzwisisa zvavaverenga vasati vaenderera mberi.

Pakupera kwechikamu choga-choga, panopiwa mibvunzo yenzwisiso. Mukupera kwechikamu choga-choga zvakare bhuku iri rine pfupiso inova iyo nzira yekupakurira vana zvavadzidza muchikamu muchidumbu uyewo chikamu chinotsanangudza zvinoreva mazwi ose matsva neanowanzovhiringidza vadzidzi.

Bhuku iri rinopa zvakare vadzidzi mukana wekunyora bvunzo dzepepa 1 nepepa 2 dzine mibvunzo yakarongwa maringe nezvavanotarisira kusangana nazvo pabvunzo dzavo dzegore rechinomwe. Chikamu chekupedzisira chine mhinduro dzemibvunzo yose iri mubhuku.

Kutsinhira dzokorodzo inoitwa nevadzidzi, bhuku reVentures Agriculture Revision Grade 7 rine mifananidzo yakanaka chose inobatsira vadzidzi kuvandudza kunzwisisa kwavo.

Mifananidzo yakaitwa zvine unyanzvi inojekesa zvinenge zvaverengwa nevadzidzi uye ichiita kuti varangarire zvavanenge vaverenga.

Izvi zvose zvinoita kuti bhuku iri ribatsire vadzidzi kugadzirira bvunzo dzavo dzepakupera kwegore nemazvo. Vadzidzisi vanowaniswawo mukana wekubatsira vadzidzi mukugadzirira bvunzo idzi.

Bhuku rakanyorwa nemutauro wakapfava chose unonzwisisika nevadzidzi vedanho rechinomwe kupuraimari.

Pamusoro pekugadzirira bvunzo, bhuku iri rinorangaridza vadzidzi pamwe nevadzidzisi zvose zvakakosha muzvidzidzo zvekurima nekupfuya zvipfuwo.

Ventures Agriculture Revision Grade 7 rinobatsirawo zvakare vadzidzi kuti vazive mashandisirwo emidziyo nemishonga akanaka uye asingakonzere njodzi.

Rinovabatsira kuti vazivewo kukosha kwechidzidzo ichi nekuti rinoburitsa zvavanozokwanisa kuzoita muupenyu.

Nyaya dziri mubhuku umu dzinosanganisira zvese zvakakosheswa nebhazi rezvedzidzo zvekaita sekuchengetedza nharaunda yedu, kushandisa zviwanikwa kwakanaka, mushandirapamwe uye kuchengetedza utano zvinova zvinhu zvakakosha pakudzidza kwavo uye mukubudirira kwenyika yedu.

  Ongororo yebhuku iri yakaitwa naJesline Chimhamhiwa naClemencia Hikwa.

Share This:

Sponsored Links