Bhuku rinobatsira pabvunzo

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
Ventures Agriculture Revision Grade 7 ibhuku idzva richangobva kuburwa kubva kuvabiki vemabhuku veCollege Press. Ongororo yemabhuku inoratidza kuti rakanyorwa zvinonzwisisika zvokuti rinobatsira zvikuru kunyanya kuvadzidzi vegwaro rechinomwe avo vari kutarisirwa kunyora bvunzo muchidzidzo cheAgriculture kupera kwegore rino.

Nokudaro, bhuku iri rakakosha zvikuru kumudzidzi wose ari mugwaro rechinomwe (Grade 7).

Kutanga gore rino, vadzidzi vose vegwaro rechinomwe vachange vonyora bvunzo muchidzidzo che- Agriculture.

Izvi zvakabva muongororo yakaitwa nevakuru vezvedzidzo avo vakaona kuti zvakakosha kuti vadzidzi vange vachifundiswa kushandisa mawoko avo muzvidzidzo zvakaita seAgriculture.

Bhuku iri rinopenegura nekupepeta chidzidzo cheAgriculture zvokuti mudzidzi anowana mukana wokuriverenga anokwanisa kubudirira zvakanyanya pabvunzo.

Chikamu choga-choga chakanyatsotsanangurwa nokupepetwa zvokuti chero mudzidzi anoverenga oga bhuku iri, anokwanisa kunyatsonzwisisa donzvo rechidzidzo ichi. Pakupera kwechikamu choga-choga, pane mibvunzo inobatsira vadzidzi kugadzirira bvunzo.

Kumagumo kwebhuku kune mapepa ebvunzo akawanda. Mhinduro dzinowanikwawo zvakare mubhuku irori.

Vadzidzi vari mumagwaro akaita serechishanu nerechitanhatu vanokwanisawo kubatsirikana nokushandisa bhuku rimwe chetero iri.

Bhuku iri rakanyorwa naVa G. Mujajati, vachibatsirwa naVa G. T. Kombora. Vaviri ava inyanzvi muzvidzidzo zvekudzidza kwavadzidzisi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey