Bika soseji muhovhoni

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Bika soseji muhovhoni

Kwayedza

NYAMA yesoseji inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvemandorokwati. Svondo rino Netsai Mhlanga wekuGweru anotsanangura pamusoro pekubika soseji.

Zvinodiwa?

Kana uchiita rekutenga, tenga soseji muchitoro chakanyoreswa zviri pamutemo kwete pamusika wepanze apo pasina hutsanana.

Hovhoni inoshanda, munyu, mhiripiri nemasipaisi aunoda.

Wozodii?

Batidza hovhoni igare ichipisa iri pa180 degree celcius.

Zora munyu nemasipaisi akaringana pamasoseji uye mhiripiri kana uchiida.

Isa masoseji mutireyi yesimbi asina kuchekwa-chekwa.

Siya arimo kwemaminitsi makumi maviri kusvika atsvukira.

Cheka-cheka soseji nechekure nekure kuti iibve nechemukati uchiapindura-pindura.

Pindura zvine ungwaru kuti isabvungunjike.

Nyama yesoseji inodyiwa nemupunga, sadza jena kana rezviyo. Vamwe vanofarira kubikira muto uri parutivi kana kugadzira masalads emagaka ane hanyanisi nematomatisi kana emakabhichi.

Chinakirwa zvako nemhuri yako.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 

Share This:

Sponsored Links