Bitumba ari mudenga rechinonwe

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Bitumba ari mudenga rechinonwe

Kwayedza

SHASHA yemusambo weRhumba, Wellington ‘Dr Bitumba’ Maruta, akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kutambirwa kuri kuita mhanzi yake kunyika zhinji dzemudunhu reSouthern Africa.Dr Bitumba, uyo anoridza nechikwata cheMusique D’Afrique, anoti kunyika dzakaita seMozambique, Botswana, Zambia neMalawi mhanzi yake iri kufarirwa zvakanyanyisa uye izvi zvinotevera ongororo yaakaita nguva yadarika apo aiita mashoo kunyika idzi.

Kutanga kwegore rino, Dr Bitumba akabura dambarefu rake rechitatu rinonzi ‘The very best of Bitumba – Wedenga’ iro rine nziyo dziri kunetsa zvikuru parizvino dzinoti Baba vevana, Raramo uye Zimbabwe number one.

Muhurukuro neKwayedza, Dr Bitumba anoti ari mushishi kubika dambarefu rake rechina iro anotarisira kuzoparura gore rino risati rapera.

Anoti kunyangwe hake akambobura rimwe dambarefu gore rino, hazvisi kuzomumisa kuramba achitsikisa mhanzi sezvo chinangwa chake chiri chekufadza vatsigiri vake.

“Dambarefu rangu rekupedzisira ‘The very best of Bitumba – Wedenga’ rakafamba zvinonwisa mvura izvo zvandiona ndichiridza kunze kunyika dzakaita seMozambique, Botswana, Malawi, Tanzania, Kenya neZambia. “Kunyika idzi musambo werhumba unofarirwa zvikuru uye mhanzi yangu iri kugamuchirwa zvakanyanya saka ndiri mushishi kushanda nesimba kuti ndiburitse dambarefu rechina gore risati rapera,” anodaro.

Kunyangwe hake Dr Bitumba achiti kunze kwenyika mhanzi yake iri kutambirwa zvikuru, anoti chishuwo chake ndechekusimudzirawo musambo werhumba muZimbabwe.

“Kunze uko tinotenderera tichiedza kuvaka mazita edu asi chishuwo changuwo kuti ndigoita mukurumbira munyika yangu.

“Maneja wechikwata changu akambogara kunze kwenyika uko kwaakakwanisa kuzivana nemapuromota mazhinji saka ndizvo zvinondibatsira kuti ndiwane mashoo kunze. Asi ini hangu chandinonyanya kushuvira kusimukira muno uye kuti rhumba idzokere chaipo payaive kare mazuva anaDiamond Musica, Lumumbashi Stars neReal Sounds of Africa apo yainetsa zvikuru,” anodaro Bitumba.

Kubva paatanga kuimba, Dr Bitumba akaburitsa madambarefu matatu anoti Makomborero, Remandorokwati 2014 uye neThe Very Best of Bitumba – Wedenga. Vhidhiyo yekambo kake, Baba vevana, iri kufarirwa zvikuru paYoutube.

 

Share This:

Sponsored Links