Boka yorwisa huwori

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Boka yorwisa huwori

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) inoti mwaka uno yakatora matanho akasimba akananga kupedza nyaya dzehuwori idzo dzinosanganisira kubirwa kwevarimi nemakoronyera. Mushandi anoona nezvekutengeserana kukambani iyi, Mai Chido Nyakudya, vanoti chirongwa chekurwisa huwori ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rinoti: “Usaite Huwori iva wakatendeka”.

“Gore rino takatora danho iri nekuti hatidi kuona kana chinonzi huwori pano, dingindira iri harisi revarimi chete kuti vasapinde muhuwori asi kuti isu sekambani takazvipira kutevedza izvi tichibatsirwa nemapurisa uye zvinoita kuti murimi adzokere kumusha nemari yake yakakwana pasina kubirwa,” vakadaro Mai Nyakudya.

Munyaya yekurwisana nehuwori iyi, vanoti sekambani vari kukurudzira varimi nevashandi vavo kuti vakurumidze kumhan’ara nyaya dzavanofungira kuti dzine chekuita nehuwori.

“Kune wese anenge auya achimhan’ara zvaanofungira kuti pane huwori hatimbofa takaburitsa mazita avo nekudaro ngavasatya kuita izvi kuti basa redu rifambe zvakanaka pasina kubirwa kwevarimi,” vakadaro.

Vanoti kune mamwe makoronyera anonyengedza varimi ayo anoshandira kunze kwechivanze chekambani yavo achinyepa kuti anogona kutenga fodya yavo nemari yepamusoro asi pakupedzisira ovabira.

“Isu tinoti varimi vakauya vachiti vanoda kutengesa fodya kuBoka ngavapinde mukati votaura nevashandi vanozivikanwa vari pamakaunda kwete kungobvunza munhu wese-wese. Nechirongwa chatakavamba ichi, tinoda kupedza chikoronyera chose chinoedza kuitwa nevamwe mukati mekambani yedu,” vakadaro.

Zvakadai, vanoti kambani yavo iri kuenderera mberi nechirongwa chekutsigira varimi kuburikidza nekuvahwinhisa mibairo.
“Chirongwa chemabhero Jahwi Mega Bales kwaBoka chiriko asi vanowana mibayiro chete varimi vanotengesa fodya nesu.
“Mibayiro yedu inotangira paUS$5 000 uye tine fetereza, nharembozha, mabhasikoro nezvimwe zvakawanda,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>