Boka yotunzvaidza vatyairi

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Boka  yotunzvaidza vatyairi MUZVARE Rudo Boka (vechipiri kubva kuruboshwe) nevamwe vakahwinha mibayiro yekutakura fodya kubva kuvarimi vachiendesa kumusika wefodya.

Kwayedza

MUZVARE Rudo Boka (vechipiri kubva kuruboshwe) nevamwe vakahwinha mibayiro yekutakura fodya kubva kuvarimi vachiendesa kumusika wefodya.

MUZVARE Rudo Boka (vechipiri kubva kuruboshwe) nevamwe vakahwinha mibayiro yekutakura fodya kubva kuvarimi vachiendesa kumusika wefodya.

KAMBANI huru yefodya yeBoka Tobacco Floors (BTF) yoshanda nevemarori anotakura chirimwa ichi kubva kuvarimi kuendesa kumusika uyu nedonzvo rekuti isvike zvakanaka kuburikidza nekupa mibairo kune vanenge vakunda vamwe mukuita basa iri.

Mashoko aya akataurwa nachamangwiza vekambani iyi Muzvare Rudo Boka nguva yadarika muHarare pamabiko avakaitira vemarori anotakura fodya achiendesa kumusika weBoka eBoka Annual Transporter of The Year and Braai.

Muzvare Boka vanoti kuchengetedzwa kwefodya kune chekuita zvikuru nekutakurwa kwayo kunosvika kumisika uko inofanirwa kusvika yakanaka kuitira kuti igotengwa nemari yepamusoro.

“Inyaya huru kuti vanotakura fodya vange vakarongeka, vonyoresa motokari dzavo neveTIMB, voterera motokari dzavo nekuita zvose zvinodiwa dzova nemapepa akakwana. Rori inotakura fodya inofanirwa kuiswa tende inovhara fodya zvorega kuti imwe izosvika kuno yanaiwa yotadza kutengwa zvakanaka,” vakadaro.

Zvakadai, pamubairo wekutanga wevatyairi vakakunda vamwe kutakura fodya pakaita mangange pakati paVaJoshua Zvenyika naMufundisi Rutendo Sunday avo vose vakapihwa US$3 000 uyewo nekuwaniswa mukana wekunorara kuhotera yekuNynga kweusiku huviri.

Mubayiro wechipiri wakaenda kuna Jacqueline Mabvuramiti uyo akawana US$1 500 nemukana wekunorara muhotera kuNyanga.

Share This:

Sponsored Links