Bosso, City dhuma-dhuma

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Bosso, City dhuma-dhuma

Kwayedza

Abel Ndooka
KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino nemusi weSvondo kunhandare yeBabourfields, kuBulawayo apo Highlanders FC ichasangana neHarare City mumutambo weZimbabwe National Army (ZNA) Charity Shield. Mitambo mizhinji yezvikwata zviviri izvi — zvinove zvimwe zvezviri kurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League — mizhinji yacho inowanzopera iri mangange.

Bosso neCity ‘Sunshine City Boys’ zvine varairidzi vatsva mwaka uno vanoti Elroy Akbay (Bosso) naMoses Chunga (City) uye vose vari kushuvira zvikuru kuhwina mukombe wavo wekutanga wePSL.

Bosso ndiyo yakagara panyanga palog rePSL iine zvibodzwa 30 kubva mumitambo 14 yayatamba. Mumutambo wayo wekupedzisira chikwata chaAkbay chakakunda CAPS United 1-0.

Nekune rimwe divi, City — iyo yakadira mari yakawanda yekuvaka chikwata chayo mwaka uno — iri kutatarika kuenda pamusoro izvo zvakazoona chikwata ichi chichidzinga Taurai Mangwiro basa ndokumutsiva naChunga.

Zvakadaro, chikwata chichakunda svondo rino chichahwiniswa mukombe pamwe nemari inosvika US$12 000 kozoti chinenge chakundwa chichawanawo US$8 000.

Harare City yakakunda CAPS United neZPC Kariba kuti izosvike mufainari yemutambo uyu kozoti Bosso yakakundawo FC Platinum. Mukushi wemashoko kuZNA, Lieutenant-Colonel Alphios Makotore, vanoti gadziriro dzemutambo uyu dziri kufamba zvakanaka.

“Gadziriro dzose dzemutambo uyu dziri kufamba zvakanaka, chatangomirira kuona zvikwata izvi zvichibandana chete svondo rino,” vanodaro Lt-Col Makotore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>