Bosso tinoirakasha: Dinyero

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Bosso tinoirakasha: Dinyero

Kwayedza

MURAIRIDZI weHarare City, Masimba Dinyero, anoti chikwata cheHighlanders chaigochera pautsi apo pachakadzinga aiva muraidzi wacho Kelvin Kaindu basa munguva pfupi ichangodarika uye vanoda kuirakasha apo vari kusangana musemi-fainari yemutambo weChibuku Super Cup musi weSvondo kuRufaro Stadium.

Member in Charge, sezita remadunhurirwa raDinyero, anoti akatyamadzwa zvikuru kuona Kaindu achidzingwa basa uyo waakati akanga ari murairidzi aigona basa rake zvainwisa mvura.

Anoti Bosso vanoda kuionesa chitsvuku uye mitambo yemikombe haina basa kuti chikwata chihombe ndechipi kana chidiki sezvo zvese zvinenge zvine mukana wekuuhwina.

“Bosso yakazviruza apo yakadzinga Kaindu basa. Ipapo vakairasa, muchinda uya aiziva basa rake uye akange ari mumwe wevarairidzi vahombe munyika ino.

“Isu manje tinoda kuirovera izvozvo apo tichasangana nayo musi weSvondo mumutambo weChibuku Super Cup.

“Tichitarisa matambiro atakamboita neBosso muligi, tinoziva kuti tinogona kumira-mira tikatoikunda saka morari yedu yakasimuka.

“Chimwe chinhu mitambo yemikombe yakaita seiyi hapana chikwata chinenge chichinzi chidiki sezvo zvinenge zvichida kuhwina, unotoona chikwata chepasi chichikunda chihombe sezvakaita Triangle FC apo yakakunda Dynamos mufainari yeOne Wallet Cup masvondo adarika,” akadaro Dinyero.

Dinyero anoti achipinda mumutambo apo chikwata chake chichange chisina mumwe mutambi wake waanodada naye, James Jamu, uyo akapihwa maYellow Cards maviri mumitambo miviri yadarika saka pamutemo wemutambo uyu haasi kutenderwa kutamba svondo rino.

“Svondo rino tichange tisina James Jamu uyo ari kumiswa kutamba mutambo uyu nekuda kwemaYellow Cards maviri aakapihwa.

“Tine vamwe vatambi vachamutsiva zvake svondo rino asi ndaida chaizvo kuti ave aripo,” akadaro.

Zvakadaro, sachigaro weHighlanders FC, Peter Dube, paakafonerwa neKwayedza akati haana mvumo yekutaura nevatori venhau ndokuudza mutori wenhau uno kuti ataure nachamangwiza weBosso, Dumiso Gumede, kuti agopindure mibvunzo yese.

“Ruregerero handina simba rekupindura mibvunzo yako, taura naVaGumede ndivo vanotaura zvese pamusoro peBosso,” akadaro.

Kwayedza haina kuzokwanisa kutaura naGumede kusvika pakudhindwa kwebepanhau rino sezvo nharembozha yake yakange isingabatike.

Zvakadaro, mumwe mutambo wekutanga wesemi-fainari weChibuku Super Cup uriko svondo rino musi weMugovera uchaona FC Platinum ‘Kugona kunenge kudada’ ichisangana neBlack Rhinos FC ‘Chauya Chipembere’ kunhandare yeRufaro Stadium.

FC Platinum yakakunda CAPS United 1-0 kuti isvike musemi-fainari kozotiwo Black Rhinos yakarakasha Triangle 4-0.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>