B&P yosimudzira tsika nemagariro

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
B&P yosimudzira tsika nemagariro

Kwayedza

CHIKORO cheB&P Study Centre, icho chiri kwaSeke, chinoti chakazvipira kusimudzira zvidzidzo zvetsika nemagariro uye budiriro munyaya dzezvivakwa, izvo zviri kufambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika.Vachitaura svondo rapera pazuva rekupihwa mibairo kuvana veEarly Childhood Development (ECD), mukuru wechikoro ichi, VaEnock Chinyowa, vanoti chinangwa chavo ndechekuti vave chikoro chepamusoro-soro.

Chikoro ichi chinobvira padanho reECD kusvika Grade 7.

Vadzidzi veECD vepaB&P

Vadzidzi veECD vepaB&P

“Ndinofara zvikuru nezuva ranhasi apo vana veECD vari kupihwa mibairo zvichitevera kuzvipira kwavakaita kuti vakunde mudzidzo,” vanodaro.

Vanotenda Hurumende kuburikidza nechirongwa chekuwanisa zvekudya muzvikoro vachiti izvi zvinoita kuti vana vadzidze zvakanaka.

“Kana vana vakaguta, zvikuru vadiki vakadai sevanobva kumhuri dzinotambura, zvinobatsira kuti vadzidze zvakanaka sevamwe vanobva kumhuri dzinowana,” vanodaro.

Vanotizve zvakakosha kuti zvikoro zvive nezvivakwa zvakakodzera.

“Bazi redu rinorwira kuti zvikoro zvive nezvivakwa zvakanaka pasi pechirongwa chePublic Sector Investment Programme.”

VaChinyowa vanoti kuvakwa kwezvikoro kunobatsira mukuderedza kuwandisa kwevana mukirasi izvo zvinokanganisawo dzidzo.

“Vana vakawandisa mukirasi, kana varairidzi vanokundikana kuvafundisa zvakanaka uye kuvakwa kwechikoro chino maSeke kwave kuderedza nzendo refu dzaifambwa nevana vachienda kuzvikoro zviri kure. Vana mukirasi havafaniri kudarika 40.

“Tinokurudzirazve vadzidzisi kuti vavandudze dzidzo yavo nekuti zvinhu zviri kusanduka nekudaro vanofanira kufambirana neruzivo rwechizvino-zvino rweE-Learning,” vanodaro.

VaChinyowa vanoti kubvira gore ra2013, kubudirira kwevana kuri kuramba kuri pamusoro.

“Mugore ra2013, chikoro chino chaive nechikamu che99% chevadzidzi vakapasa, muna 2014 tikaenda pa98%, kuchizoti muna 2015 takave 100%. Kunze kwedzidzo, chikoro chedu chiri kusimukira munyaya dzemitambo setennis, cricket nerugby,” vanodaro. Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, chamangwiza weB&P, Vicar General Bigboy Gawa, vanoti vane shungu dzekusimudzira dzidzo munyika. “Tiri kuvaka bhodhingi muno maSeke iyo ichave nevana 3 000. Tine chimwe chikoro chiri kuKariba nekuti donzvo redu rakanangana nekusimudzira fundo.

“Chikoro chino chakasarudzwa kuti chinge chichizoitirwa maDistrict Merit Awards mumwedzi unotevera ayo achaitwa nezvikoro zvinodarika 76 nepamusaka pekuve nezvivakwa zvakanaka nenzvimbo yakakura. Tiri kuita zvakare misangano yekufundisa vadzidzisi takabatana neZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec),” vanodaro.

Vamwe vaive pachiitiko ichi vanosanganisira Bishop Nolbert Kunonga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey