Broughton ave panyanga

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Broughton ave panyanga Robyn Broughton

Kwayedza

CHIZVARWA chekuNew Zealand, Robyn Broughton, chakakwidziridzwa kuve chamangwiza wemutambo wenetball kuHertfordshire Mavericks pamwe nekutora chigaro chekuve murairidzi wechikwata ichi zvichitevera kubva kwaSam Bird. Broughton – uyo akamborairidza Southern Sting kubva 1998 mumazuva eNational Bank Cup, ndokuhwina mukombe uyu kasere mumakore 10 – akapedza mwaka wadarika ari mutevedzeri wemurairidzi kuchikwata ichi.

Ari kuunza ruzivo rwakawanda rwemutambo uyu zvichitevera kurairidza kwaakamboita Silver Ferns iyo yakahwina mukombe weFastnet mugore ra2010 kuEngland.

“Ndine kutenda kukuru kuMavericks nekusarudza ini kupinda pachigaro ichi zvichitevera kusevenza kwandakaita muchikwata chino gore radarika apo ndakawana rutsigiro rwainwisa mvura, iye zvino ndave kushanda zvakasimba kuchisimudzira,” akadaro Broughton.

“Tine vatambi vakawanda vane tarenda rinonwisa mvura uye ndinovimba kuti tichashanda tose mukurwira mukombe weSuper League.”

Mukuru wechikwata ichi, Gloria Keech, akati ane chivimbo chikuru kuti basa richabatwa ndokuti, “Robyn ane chiremerera mumutambo uyu uye ane hutungamiri hunogutsa. Akarairidza mutambo uyu padanho repamusoro akashanda nevatambi vakawanda achivabika tarenda ravo. KuMavericks tagara chinangwa chedu chakanyanya kushanda zvakasimba kubika tarenda revatambi vakasiyana saka Robyn achatibatsira kuzadzikisa izvi.

“Ndine mufaro mukuru Robyn akasarudza kushanda nesu veMavericks ari chamangwiza wenetball uye ndinozviziva kuti achabatsira chikwata chino kukwikwidza zvine mutsindo muVitality Netball Super League”.

Aimbove murairidzi weMavericks, Bird, akatungamira chikwata ichi kuti chipedze chiri pechina muSperleague mumwaka miviri yaakachirairidza, ndokusvika kuGrand Final ya2015 uko chakakundwa neSurrey Storm. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links