Uncategorized

Bumburumukushu zamu rehuku

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

naIgntius  Mabasa—

MAKOROKOTO eGoredzva! Ndinoda kuvimba kuti wakapinda uchiona musiwo wekupinda nawo, kwete kuita zvekuzomutswa waita zvekudonhera muna 2017 sembwa yadonha nebhini rayanga ichivhendenyura.

Zvisinei, mapindiro edu mugore idzva akasiyana, asi ndinoziva kuti wakapinda nekuti uri kuverenga Kwayedza.

Usakanganwe kuti kune vakasara muna 2016.

Neniwo ndakapotsa ndasaramo mushure mekuita tsaona nemota, asi Mwari vakandirwira. Iwe unogona kunge usina kupinda mutsaona seni, asi kune hondo zhinji dzinotora vanhu dzawakarwirwa naMwari.

Kupinzwa kwako muna 2017 kunoreva kuti pane chikonzero chekuti unge urimo.

Ichocho ndicho chikonzero chandiri kuda kuti utsvage nekuti kurarama kwako haisi bumburumukushu zamu rehuku.

Ichokwadi kune vamwe vari kurwadziwa kuti wakapinda mugore rino.

Asika, gore iri harisi remunhu, igore raMwari. Saka usanetseke nekuti kune vanhu vanokuvenga zvekuti vanofarira kurwara, kutambudzika, kushaya nekuchema kwako.

Vavengi vakangogara variko kubva pakutanga chaipo Satani paakarwadziwa nekudiwa kwaiitwa Adam naMwari akatsvaga nzira yekuparadza hukama ihwohwo.

Tichitanga gore kudai, “Tsvaga Jehovha achawanikwa.” Handisirini ndakataura mashoko aya, asi ivo Mwari pachavo ndivo vakatiyambira izvi.

Zvinoreva kuti Mwari vanoziva kuti kuchauya nguva yekuti vanenge vasisawanike! Iwe, imbopafungawo kuti chii chinoitika kana Mwari vasisipo, vasisaonekwe? Mwari kutsvagwa voshaikwa!

Kushaikwa kwaMwari kuparara kwehupenyu nekuti Jesu chaiye akamboshaya Mwari paakanga ari pamuchinjikwa.

Ndipo paye paakati, “Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko?”

Kushaya Mwari kunokunda kurasa mari kana kurambwa nemudiwa wako.

Zvizhinji zvinoshamisa, zvinotyisa nekusemesa zvatakaverenga muKwayedza muna 2016. Takanzwa nyaya dzevaroyi, dzemaporofita nepfambi nenyoka. Takaverenga nyaya dzetsotsi yakamera chinhu, tikanzwa zvenyoka yakadonha kubva muBhaibheri tisati tazonzwa zvatezvara vekutiza nemuroora wavo kuti vanogara vese semurume nemukadzi.

Nyika yadhakwa, nyika iri kudzedzereka zvekuti mukasachenjera ichakuwirai muchifunga kuti muri pamusoro payo.

Saka ndiri kuti chakanaka chakanaka, imbwa haihukure sadza.

Vanhu tsvagai Jehovha achawanikwa nekuti tanyanya kutamba naMwari setiri kutamba “mudhara vachauya.”

Asi kana tichitsvaga Mwari, ngatirege kumutsvaga sevanhu varasa mombe. Mwari havarasike semari iri muhomwe mako.

Asi nyangwe vasingarasike, pane zvatinofanira kuita sevanhu kuti tivawane.

Mwari vanoti kana tikavatsvaga tinovawana, nekuti havasi pachena asi vari pachena. Matenga anotaura nezvehukuru hwavo, saka tinofanira kuvatsvaga mune zvatinoona zvedenga.

Mwari vanozviratidza mushoko ravo. Naizvozvo ngativatsvage mushoko iroro kwete mumashoko mazhinji emaporofita kana eWhatsApp.

Kutsvaga Mwari kunoda kuti tiise pfungwa dzedu pazvinhu zvaMwari.

Chinotitadzisa kutsvaga Mwari kuita bhizi (busy) kwedu. Kugara tiri pamushikashika tichitsvaga mari nekugara takatsikitsira paminamato yeWhatsApp.

Chinotitadzisa kutsvaga Mwari kuzvida kunge takazvisika.

Tichitanga gore kudai, vazhinji vedu tichange tichiramba zvinhu zvizhinji zvatakanga tiri muna 2016. Tichange tichitsvaga zvakanaka.

Kana naMwari vari kuitawo zvimwe chete newe.

Vari kutsvaga vanhu vari kutsvaga zvakanaka. Vari kutsvaga vanhu vekuita maLandlord kudzimba zhinji dzekugara dzavakativakira kudenga.

Mwari vari kutarisa imba yako yakapera kuvakwa kare kare vachiti, mufaro wavo uchazadziswa musi wauchapindamo wave nehupenyu husingapere.

Asi iko zvino vari kukutyira nekuti uri kufunga nekuzviunganidzira zvinhu zvakawanda zvisina basa.

Jesu paakashanyira Martha naMaria, akaudza Martha kuti aizvinetsa nezvinhu zvakawanda zvisina basa.

Iwe zvauri busy nazvo zvine basa rei?

Share This:

Sponsored Links