Bvisai maticha anochiva vana

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Bvisai maticha anochiva vana

Kwayedza

CHINANGWA chemubereki wose ndechekuti kana achiendesa mwana kuchikoro mwava iyeyo azove neramangwana rakajeka uye kuti azokwanisa kuzviriritira sezvo fundo yakafanana nechirauro chekuti munhu anozviraurira hove pane kumirira dzekupihwa. Tarisiro inenge iri yekuti kana mwana ari kuchikoro, ari mumawoko evanhu kwavo avo vanokwanisa kumubata semwana wavo. Vanhu ava varairidzi! Asi kuchikoro uku kunopedzisira kwoitika zvinhu zvakasiyana, zvimwe zvacho zvakashata izvo zvinokanganisa fundo yemwana.

Izvi zvinosanganisira nyaya dzerudo pakati pevamwe varairidzi nevamwe vana vechikoro.
Muongororo yakaitwa neKwayedza nguva yadarika, zvakabuda pachena kuti nyaya dzematicha ari kudanana nevana vechikoro, kuita hwehuku inonwa mazai ayo, dziri kuitika mune zvimwe zvikoro.

Dzimwe dzenyayaya idzi dziri kubuda zvakare mumapepanhau pamwe nemumaredhiyo zvinoratidza kuti rinotove dambudziko rinoda kugadziriswa. Nhubu dzevarairidzi idzi dzakasiiwa dziri muzvikoro, dzichiita seingwe dziri mumatehwe ehwai, vana vanopera uye budiriro yedzidzo igodzoserwa shure. Hongu, mudzidzisi wose anozviziva kuti imhosva kudanana nemwana wechikoro, zvikuru avo vanenge vari kupuraimari nesekondari, nekuti vanenge vachiri ndumurwa. Asi kune dzimwe nhubu dzisina hanya nemaitiro adzo, idzo dzinongoti chauya-chauya dzopedzesera dzave kudanana nevana pamwe nekuvakanganisa dzidzo yavo.

Ongororo yeKwayedza inoratidza kuti kune zvikonzero zvine chitsama zvinoita kuti varairidzi vapedzisire vave kudanana nevadzidzi. Izvi zvinosanganisira nyaya yekuti mudzidzi anenge achida kuti apasisiwe nemurairidzi wake muzvidzidzo zvake kuburikidza nekuudzirwa mhinduro dzemazamanishoni kana kuti kungomakirwa seagona zvidzidzo zvaanenge atadza. Vamwewo ndivo vari kupinda murudo nenyaya yekuti murairidzi anenge achivhevhetedza mwana nemari kana kumutengera zvimwe zvinhu. Vamwewo ndivo vanova miyedzo vachitumira mifananidzo kana mashoko ezvinyadzi.

Kumwana waani wauri kudaro? Dai ari wako wainzwa sei nhaiwe murairirdzi?
Asika kana vabereki vachiendesa vana vavo kuchikoro vanenge vachida kuti vadzidze kwete kuti vapinde munyaya dzerudo. Murairidzi haana kumbosiyana nemubereki nekudaro kana ave kupinda murudo nemudzidzi anenge ave kutyora chivimbo chinenge chiine vabereki pamusoro pake.

Tinodaro nekuti kana vana vari kuchikoro vanenge vari pasi pevarairidzi saka panguva iyoyo ndivo vanenge vari vabereki vavo. Zvino kana vopinda navo munyaya dzerudo hazvichareve chinhu.

Iyi tinoona seimwe nzira yekumbunyikidzwa kwevana nekuti vazhinji vavo vanopedzisira vapinda murudo nevadzidzisi vavo vasingade, asi kuti nekutya. Chimwe chiri kunetsa mazuva ano ndechekuti nyaya dzerudzi urwu dzakawanda dzacho hadzisi kuburitswa pachena nekuti vamwe vana vanenge vachityisidzirwa nematicha aya kuti vakangozviti bufu chete pavo pavaperera. Nekudaro vana ava, zvikuru vanasikana, vanoda dzidziso yakasimba kubva kumasangano anorwira kodzero dzavo.

Murairidzi anodanana nemwana haana kumbosiyana neuyo anobata chibharo. Pamusoro pezvo, hazvipe chimiro chakanaka uye hazvina hunhu kuti varairidzi vadanane nevana vechikoro. Huku inodya mazai ayo ngaipiswe muromo. Maticha aya ngaakandwe mujeri, makii acho oraswa kuti vaworere imomo!

Share This:

Sponsored Links