Cancer: ‘Zvava kuda mushandirapamwe’

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reIsland Hospice & Healthcare rinoti zvakakosha kuti pave nemushandirapamwe mukurwisa chirwere chegomarara icho chiri kutambudza vanhu vakawanda munyika muno.

Mashoko aya akataurwa naBeverley Sebastian, uyo anova executive director kuIsland Hospice panguva iyo sangano iri riri kushanda nekambani yeZimpapers Group mukurwisa kupararira kwechirwere chegomarara kana kuti nhuta (cancer).

Kambani iyi neIsland Hospice svondo rinouya zvichabatana muchirongwa cheAnnual Cancer Power Walk chekuunganidza mari yekubatsira varwere vegomarara.

Sebastian anoti sangano ravo rine donzvo rekusimudzira utano hwevarwere vari panhowo.

“Varwere vepanhowo vanhu vanoshungurudzika zvakanyanya mupfungwa apo vanoshaya tariro yeupenyu nekudaro vanoda rudo, kurapwa nekupangwa mazano. Vemachechi vane basa guru rekubatsira mukupanga mazano nekupa minamato kuti varwere ava vave netatiro.

“Takaona kuti mishandirapamwe sezvatiri kuita neZimpapers yakakosha zvikuru apo ruzhinji rwevanhu rwuri kutambudzwa nechirwere chegomarara muZimbabwe,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Sangano reIsland Hospice rakavapo mushure mekunge taona kuti zvakakosha kubatsira varwere vepanhowo, kunyanya vaya vane zvirwere zvakadzama pamwe chete nekutsigira mhuri dzavo. Tine mahofisi ari muHarare, kwaMutare, kuMarondera nemapoka ari kuGoromonzi, kuChitungwiza, kuNorton, kwaMutoko, kuZvishavane nekuGwanda.”

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) inoratidza kuti zvirongwa zvekubatsira varwere vari panhowo zvakakosha zvikuru sezvo zvichirerutsira vaya vanenge vasisina tariro yeupenyu.

“Kubatsira kwatinoita varwere kunosanganisira apo vanenge vachirapwa vari muzvipatara kana mudzimba, donzvo riri rekuedza kuderedza marwadzo epanyama, mupfungwa nepamweya.”

Sebastian anoti muchirongwa chePalliative Care, vanoita mushandirapamwe nemachiremba, varapi vemudzimba, mafundisi vemachechi nevatungamiriri venharaunda mukubatsira varwere vari panhowo zvichifambirana nehunyanzvi hwavo.

Anotenda sangano reCancer Association of Zimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwevana nemamwe mapoka akasiyana mukutsigira kwavari kuita mukurwisa chirwere chegomarara.

“Kune veruzhinji, tinoti kurumidzai kunovhenekwa gomarara risati rakomba nekuti vazhinji avo vari kunonoka kuvhenekwa ndivo vanogumisira vava varwere vepanhowo nekuda kwekuti rinenge risisarapike nyore. Kana vanhu vachinge vaona zviratidzo zvakaita sekuramba vachirasikirwa neropa, marwadzo asinganzwisisike, kuderera kwehuremu hwemuviri, mapundu uye chikosoro chisingaperi, marwadzo emuchipfuva nezvimwe, vanofanira kukasika kunoongororwa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links