Caps United ichadya Dynamos rinhi?

24 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Caps United ichadya Dynamos rinhi?

Kwayedza

MUKURU, mukuru hanga haigare pfunde, aya ndiwo mashoko akataurwa nasachigaro weDynamos FC ‘DeMbare’ — Kenny Mubaiwa — apo aitaura pamusoro pekukundikana kweCAPS United kukunda chikwata chavo mumitambo yePremier Soccer League kubvira mugore ra2009.

Zvikwata zviviri izvi zviri kusangana zvakare kunhandare yeNational Sports Stadium svondo rino mumutambo wemuCastle Lager Premiership uchange uchidaidzwa kuti Harare Derby Part 3.

Masvondo maviri adarika, zvikwata izvi zvakasangana mumitambo miviri apo wekutanga wakapera uri mangange 1-1 kozoti svondo rapera DeMbare ndiyo yakahwina 1-0 mumutambo weOne Wallet Cup uyo waikotsverwa neNetOne. DeMbare kubva mugore ra2009 yange ichingokunda Kepe-Kepe, sezita remadunhurirwa reCAPS United, mumitambo yeligi.

Pamitambo 10 yakatambwa nezvikwata zviviri izvi, DeMbare yahwina 8, ikaita mangange katatu, CAPS ndokuhwinawo mumwe chete.

Mubaiwa anoti mutambo wesvondo rino uchanyaradza Kepe-kepe zvachose nekuti vanoda kuirakasha zvaisati yamboona.

“Kepe-kepe ine nharo asi mirai muone tichairadzika zvachose. Mudanga hamungaite mabhuru maviri, vanofanirwa kuziva kuti Harare ndeyeDeMbare uye vachazvionera svondo rino.

“Hatisi kuda kuita mangange bodo, asi tiri kuda kuirakasha zvaisati yamboona kudarika zvatakaita svondo radarika apo takavakunda 1-0,” akadaro Mubaiwa.

Zvakadaro, DeMbare mumutambo uyu ichange isina mutambi wayo wekumashure, Partson Jaure, uyo akatengwa neUniversity of Pretoria yekuSouth Africa svondo rino.

Mubaiwa anoti chikwata chavo parizvino chave kumhanya-mhanya kutsvaga vamwe vatambi vachatsiva mutambi uyu.

“Pana Jaure tarasikirwa asi tichahwina asipo nekuti tine vatambi vakawanda vanogona kumutsiva.

“Svondo radarika takangohwina asimo saka tinozviziva kuti tichabata basa sebasa. Vamwe vatambi vainge vakatomirira mukana uyu kuti aende vazomutsiva,” akadaro Mubaiwa.

Nekune rimwe divi,  maneja weKepe-kepe, Luis Maio, akati chikwata chavo hachisi kutarisa kukundwa kwachakaitwa svondo radarika pamwe nemimwe mitambo asi chiri kungoda kuhwina chete svondo rino.

Anoti kuhwina kweDeMbare ichikunda Kepe-kepe kwakadarika.

“Vanhu vanongofunga kuti DeMbare inongotidherera asi chavasingazive ndechekuti uyu mutambo wenhabvu zvese-zvese zvinogona kuitika. Aka kachange kari kechina tichisangana nayo gore rino bedzi uye kutanga kwegore takamboikunda mumutambo weZNA Charity Shield.

“Isu tiri kuzvitemba hedu uye zviri pachena kuti DeMbare tichairakasha zvakasimba svondo rino,” akadaro Maio.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey