Caps united yokwira makata

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Caps united yokwira makata

Kwayedza

Abel Ndooka —
CAPS UNITED – iyo iri kugadzirira kusangana neTP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo mumutambo weCAF Champions League – ine gomo guru rekukwira sezvo chikwata ichi chiri shasha inozivikanwa zvikuru munyaya dzenhabvu muAfrica yose.

Munhoroondo yeCAPS UNITED, chikwata ichi chakakwanisa kukwikwidza mumutambo uyu katatu uye kaviri kacho chakaburitswa muround rechipiri mumakore anoti 1997 na2005. Mugore ra2006, Kepekepe yakazoburitswa mumutambo uyu nesangano reCAF mushure mekunge yabatwa nemhosva yekutambisa vatambi vaviri zvisiri pamutemo vanoti George Martin naGift Makoloni avo vanove zvizvarwa zvekuZambia mumutambo wekutanga neInter Stars yekuBurundi.

CAPS UNITED yakange yatamba neInter Stars mumitambo miviri iyo yakapera iri mangange 0-0 muno uye 3-3 kuBurundi.

Zvisinei, Inter Stars yakazokundwa mumutambo uyu nekuda kwemutemo weaway goals. Asi mutsvakurudzo yakazoitwa neInter Stars ichibatsirana neCAF, zvakazonekwa kuti Kepekepe yakange yashandisa vatambi vaviri vasina kunyoreswa ava – Martin naMakoloni – izvo zvakazotuma CAF kutemera chikwata ichi zvirango zvekuti chiburitswe mumutambo uyu.

Kufambira mberi kwakaita Kepekepe kwakaiona ichisangana neRaja Casablanca yekuMorocco iyo yakakunda CAPS UNITED  1-0 kuMorocco uye mutambo wechipiri hauna kuzotambwa sezvo Kepekepe yakange yabatwa nemhosva yekutambisa vatambi vasina kunyoreswa ava ndokuburitswa mumutambo uyu.

CAPS UNITED yakapedzisira kurwira kuenda kumagroup-stages emutambo uyu gore iri ichirairidzwa naGishon Ntini apo  Charles Mhlauri aive technical director wechikwata ichi.

Panguva iyi, paive nevatambi vanosanganisira Tsungai Mudzamiri (mubati wepagedhi), Ronald Sengu, Danger Fourpence, James Kachinga, Martin Goremusandu, Laughter Chilembe, Gift Lunga, Method Mwanjali, Lloyd Chitembwe, Limited Chikafa naBoyd Chanda.

Zvakadai, gore rino, murairidzi weCAPS UNITED – Lloyd Chitembwe – ane vatambi vanove shasha vakaita saRonald Chitiyo, Joey Ngodzo, Abbas Amidu, Ronald Pfumbidzai, Moses Muchenje, Hardlife Zvirekwi, Dominic Chungwa, Tafadzwa Rusike naEdmore Sibanda.

Mutambo weCAPS UNITED neTP Mazembe wekutanga uchatambirwa kuDRC  musi wa11 Kurume kozoti wechipiri wotambirwa muno svondo racho rinotevera musi wa19 Kurume.

Chitembwe ane basa guru raakatarisana naro rekutungamira chikwata chake kuenda kumagroup stages eChampions League kekutanga munhoroondo yacho munhabvu.

Zvakadaro, Ngezi Platinum Stars – iyo iri kukwikwidza mumutambo weCAF Confederations Cup – ichasangana neRecreativo Seportivo do Libolo yekuAngola mumutambo wekurwira kuramba ichifambira mberi mumutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links