Caps yomuka chibhebhenenga

05 Jul, 2014 - 18:07 0 Views
Caps yomuka chibhebhenenga

Kwayedza

HARDLIFE Zvirekwi

HARDLIFE Zvirekwi

MUTAMBI weCAPS United “Kepe-kepe”, Hardlife Zvirekwi, anoti  vave kuita zvinorova muligi reCastle Lager Premiership izvo zviri kuonekwa nekuhwina kwairi kuita mitambo yayo yadarika.
Makore adarika, Kepe-kepe kana kuti “Shaisa Mufaro” yaitatarika zvikuru mumitambo yeligi rePSL zvekusvika pakunyombwa nevakawanda avo vaiti ndiyo yainge yave kushaiswa mufaro asi gore rino yave kusimuka uye ichitamba nhabvu inodakadza.

Mumitambo yayo mitatu yadarika yemuPSL, Kepe-kepe  yakakunda Shabanie 3-0, Chiredzi FC 2-0 pamwe neHwange 2-1 ndokubva yakwirira muligi uye parizvino yagara pechitatu iri pasi peHighlanders neDynamos.

Yakasiiwa neHighlanders nechibodzwa chimwe chete uye yakaenzana zvibodzwa neDeMbare asi iri pasi nekuda kwezvibodzwa zvakanwiswa (goal-difference).

Muhurukuro naZvirekwi anoti gore rino chikwata chavo chakagara pasi ndokuongorora apo chaikundikana makore adarika ndokuwirirana kuti  vanoda kudzokera kumazuva aye apo vaizivikanwa seShaisa Mufaro vachishungurudza zvimwe zvikwata zvemuligi.

Anoti mitambo yese yavari kutamba muligi yakakosha chaizvo uye vanofanirwa kuihwina kuti zvigovabatsira apo vari kuda kubvuta mukombe weligi kubva kuDynamos.

“Gore rino hatisi kuda kutamba sematambiro ataiita kare nekuti taingogara tichidyiwa, ndizvo zvinhu zvatakawirirana sechikwata pakutanga kweligi regore rino kuti tinoda kuhwina chete.

“Tiri kuda kutorwirawo mikombe yakasiyana, tichahwina nekuti takabatana zvikuru uye morari yedu yakasimuka.

“Chinhu chikuru sechikwata kuti titore mitambo yedu painouya mumwe nemumwe, tiri kufanirwa kuihwina totora zvibodzwa zvese zvakakosha.

“Zvakakosha kugara takumba zvibodzwa panguva ino nekuti pamberi apo zvinhu zvinenge zvaoma uye zvikwata zvizhinji zvinenge zvave kurwira zvakasiyana sezvo zvimwe zvinenge zvave kurwira kusabuda muligi zvimwe ndozvinenge zvichirwira mikombe.

“Asi isu chinhu chikuru kuchikwata chedu kurwa semvumba tichitora zvibodzwa zvese kudarika zvataita makore adarika,” akadaro Zvirekwi.

Svondo rino Kepe-kepe iri kunanga kuBulawayo uko ichanosangana neChicken Inn musi weMugovera mumutambo uyo Zvirekwi anoti chikwata chavo chinofanirwa kuhwina kunyangwe zviite sei kuitira kuti morari yacho irambe yakasimuka apo svondo rinotevera chichasangana neDynamos.

“Svondo rino patiri kuenda kuBulawayo kunosangana neChicken Inn tiri kufanirwa kuhwina chete kunyangwe zviite sei nekuti svondo rinotevera tiri kutamba mutambo wakakosha chaizvo apo tichasangana neDeMbare.

“Tikahwina svondo rino zvichatibatsira kusimudza morari yedu apo tichange tave kupinda mumutambo mukuru weHarare Derby.

“Kuhwina ndochinhu chatiri kuda chete kwete zvimwe zvakawanda, nekuti gore rino nderedu,” akadaro Zvirekwi.

Share This:

Sponsored Links