Castle Tankard yoitwa

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Castle Tankard yoitwa

Kwayedza

KAMBANI ine mukurumbira pakubika doro yeDelta Beverages inoti mujaho weCastle Tankard wegore rino uchaitwa musi wa7 Chivabvu uye mabhiza akawanda ekunze kwenyika achange achikwikwidza.

Marketing manager wekambani iyi, Patricia Murambinda, anoti mujaho wegore rino uchange wakakura sezvo vari kuparura makwikwi eCastle Tankard Double Booster Promotion Experience.

“Castle Tankard ndiwo mujaho mukuru wemabhiza muno muZimbabwe uye ndiwo wakaita wekutanga muAfrica yese kukotsverwa.

“Castle Tankard yabatsira kusimudzira nharaunda dzakasiyana pamwe nekupinza vanhu vazhinji mabasa,” anodaro Murambinda.

Gore radarika, bhiza rinonzi Yer-Maan rekuSouth Africa ndiro rakahwina mujaho uhu.

Mabhiza achakwikwidza mumujaho wegore rino haasati ave kuzivikanwa uye semakore ese achazoburitswa pasara svondo rimwe apo panoparurwa mabhiza achapinda mumakwishu aya.

Gore rino, Delta yakaronga mafaro achange achienderana nemujaho uyu apo pachazoona vaimbi vanoti Jah Prayzah, Winky D, XQ naDj Stavo vachikwenya pamujaho uyu.

Pamusoro pezvo, pachange pane mimwe mijaho yemari inonzi ‘Dash for Cash’ apo vanhu vakasiyana vachakwikwidza vachihwina mari.

 

Share This:

Sponsored Links