Cavani odzokera kuNapoli

19 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI weParis Saint-Germain – Edinson Cavani (30) – anogona kudzokera kuchikwata chaakambotambira cheNapoli kana kondirakiti yake yekuLigue 1 ikapera muna 2020, akadaro musi weMuvhuro.

Chizvarwa chekuUruguay ichi chatambira nyika yacho ka91 uye chakasayina kondirakiti itsva kuPSG muna Kubvumbi. Akwanisa kunwisa ka128 mumitambo 195 yaatambira chikwata chekuParis ichi.

“Kana ndabva kuPSG handizive kuti ndichaita sei asi ndichada kutsvaga chimwe chikwata chekutambira, ndinogona kusarudza kudzokera kuNapoli ndozodzokera kumusha,” akadaro mutambi uyu achitaura neSky Sport Italia nemusi weMuvhuro. – SportsMail Football.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey