Uncategorized

Cde Chinx: Muimbi, murwi, jinda raMakoni!

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Cde Chinx: Muimbi, murwi, jinda raMakoni!

Kwayedza

CDE Chinx Dickson Chingaira, vakazorora. Vakaenda kunyika isingadzokwi kusvika Jesu vadzoka. Asi vakaziva Cde Chinx kubva panguva yehondo, kusvika vachizokotsira hope dzisingamukwi, vanoziva kuti Zimbabwe yarasikirwa negamba, gamba rakamira nenyika kwemakore makumi mana.

ZvaCde Chinx hazvisi zvokubvunza nokuti ukafamba nyika ino kubva kuna Zambezi kusvika kuna Limpopo; kubva mabvazuva kusvika kumadokero, uchaona kuti munhu aizivikanwa kubva achiri kuhondo nenyaya yokuimba kupa tuso kune vamwe varwi kuti vasanete, uyewo kuti vakange vari kuno kumusha vave netariro yokuti rusununguko rwuri kutouya chete, kunyange vapambepfumi vakadya marasha.

Kubva muna 1980 kusvika vashaye musi weChishanu chapfuura, izwi raCde Chinxi rakaramba richiimba nokuyeuchidza vanhu kuti chinhu ichi chinonzi rusununguko nokuzvitonga kuzere zvakauya nokudeuka kweropa, uyewo kuti zvinhu zvinosungirwa kubatisiswa.

Charwadza Mukwende ndechokuti Cde Chinx vatorwa naMusiki pasina mwedzi Africa yapemberera zuva reAfrica (Africa Day) musi wa25 May, uye vakashayawo musi waipemberwa zuva revana veAfrica (Day of the African Child) musi wa16 June.

Pane kambo kakaita mbiri kavakaimba — Vanhu Vose Vomuno muAfrica. Kambo kakadadisa Africa, kari kambo kaive nekurudziro yokuti sezvo Africa yarwisa muvengi, chasara ndechokuti vanhu vabatane. Kanopinda pamwongo wechinhu chinonzi African Union.

Kwozoti pese patinoona vhidhiyo ya“Maruza Vapambepfumi” yakatsikiswa mugore ra1980, Cde Chinx vachiri vechidiki vachishaura makobvu namatete, tinonzwa zvakare mashoko akadzama enhoroondo yenyika nokurwirwa kwayakaita.

Asiwo, ivhidhiyo inoratidza kuti Cde Chinx vakange vari pamwe chete nemamwe magamba akarwira rusununguko rwenyika ino. Pamwe vazhinji vavo vakaendawo, sezvakaita Cde Chinx.

Semunhu aifambirana nenguva, Cde Chinx havana kuti nyika zvayasunguka, vondozorora. Kwete. Vakaramba vachiteedza chido chavo chokuimba nokutsanangura zviri munyika, kubudikidza nenziyo.

Pakatanga hondo yeminda, Cde Chinx nevamwe vakaita saana Simon Chimbetu, Andy Brown, Brian Mteki, Sister Flame, Tambaoga navamwe vakanzwika vachishaura zvakare. “Hondo yakura muZimbabwe, hondo yeminda” kakaita mbiri, vakange vasingadi kuti ivhu riuye kuvanhu vakavazvonda zvikuru.

Kaimbiro kaCde Chinx nenyaya dzavaisanzanura kakazivikanwa kana nenyika dzakange dzakatipamba, zvokuti kutanga kwesvondo rino nhepfenyuro yeBBC yakange iine nhau yokufa nokuchemwa kwavo nevanhu vakasiyana-siyana.

Vanhu vakaita saanaCde Chinx ndivo vakange vaine chinu chamafuta chokuzora mafuta pese panenge paita nyaya kuti zvinge zvakapfava, vachizvitsanangura kubudikidza nenziyo. Ndosaka akaita mbiri nokuchemwa zvakadaro pambozhanhare nemumapepanhau nenhepfenyuro.

Zvakange zvisina kuti uri webato ripi, uri mudzimai kana murume, uyewo kuti unobva kupi. Vanhu veZimbabwe vari kuchema Cde Chinx segamba risingabvunzwi kuti ugamba hwake akahuwana kupi.

Ukaona munhu anogona kushanda navanhu vari mumabasa akasiyana pasina azoti, Chinx haaite, woziva kuti mune munhu akabva kuvanhu.

Tanyora tisati taziva kuti zvavapihwa ugamba hwehondo, vanoradzikwa riini, asi tinotarisira kuti vanhu vachaenda nouwandu hwavo kunoonekana naCde Chinx, nyati mhenyu, zizukuru rerimwe ramagamba eChimurenga chokutanga, Mambo Chingaira vakachekwa musoro namaBritish ukaendwa nawo mhiri kwamakugwa.

Kunyange zvazvo vari murwi wehondo, nyanduri, nomuimbi, chimwe chikuru ndechokuti mwana wohumambo hwokwaMakoni — jinda guru.

Zororai murugare Cde Chinx.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>